Bhaibheri

Totenda Baba

UMC Nziyo 49

1

Totenda Baba Nemwoyo yedu yose, Ngavakazvi'ta Zvikatyamadzo zvose. Vakatinatsa Mu'penyu hwose, Vanotifadza Nenyasha dzose.

2

Wedenga uyo Agere nesu tose, Achingotipa Rugare misi yose; Parwendo rwedu Atifambise; Pamadambudzo Atichengete!

3

Tinorumbidza Wedenga, Baba vedu! Muzvare, uye Muperekedzi wedu; Mwari mumwe chete Watinokudza; Ushe ndohwake Nokusingagumi!

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.