Bhaibheri

Takamumirira, Jesu

UMC Nziyo 50

1

Takamumirira Jesu Mupi weruzororo, Tisunungureiwo tese Kubva muchinyangadzo. Ndimi simba, runyararo Rukariro rwepasi, Vose vanhu vanomuda Munounza rufaro.

2

Muri mununuri wedu, Jesu, Mwana waMambo. Ndimi Tenzi muchatonga; Vakai hwenyu humambo, Tipei mweya wenyu M'tsvene, Samasimba, Mutongi. Nyasha dzenyu dzinokwana Kutisvitsa kudenga.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.