Pausiku Hweutsvene
UMC Nziyo 52
1
Pausiku hweutsvene Kune nyika iri kure, Yakajeka nyeredzi yaTenzi Chiwoneso chaMwari chediko, Iyo Tenzi wabarwa Iyo kwabarwa Mesiya.
2
Baba wake wakashama, Mai wake wakafara, Mwana wavo M'ponesi wevanhu Wakakudzwa zvikuru naMwari, Pasi pese chifarayi, Mwari wazotishanyira.
3
Mune danga radzo mombe, Wakabarwa mwana mutsva, Ndiye Mwana waMwari mupenyu, Ndiye rudo rwaBaba kunesu, Ndiye mudi wevanhu, Nemudikani wevese.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.