Tanzwa Rwiyo Rwengirozi
UMC Nziyo 53
1
Tanzwa rwiyo rwengirozi Mbiri huru kuna Jesu, Runyararo pasi pano Rudo kune vanhu vese. Farirayi ndudzi dzese Ruponeso rwazosvika, Ngatiimbe rwiyo rwedu Mbiri kuna Mambo Jesu, Ngatiimbe rwiyo rwedu "Mbiri kuna Mambo Jesu!"
2
Wazobarwa mune danga, Beterehema musha wake, Mai wake ndiMaria, Mwari ndiye Baba wake; Womberayi, imi vanhu, Mwari wakatuma mwana, Kuzodzika pasi pano Kuponesa vanotadza, Mukudzeyi muchiimba, "Mbiri kuna Mambo wedu!"
3
Jesu, Tenzi, Muponesi, Mununuri, Mudikani, Tinomuda zvirokwazvo, Nero basa rakanaka; Tinoita mwoyo chena, Tese tinomushandira, Tinofara nekufara, Wazvarirwa isu Kristu, Mukudzeyi, muchiimba "Mbiri kuna Mambo wedu!"
4
Nhasi tinofarisana, Tinokarakadza naye, Wazobarwa kuponesa Vanhu vese pasi pano; Farirayi ndudzi dzese, Mukudzeyi vanhu mese, Pururudzai madzimai, Mambo wedu, Mambo kwaye, Mukudzeyi, muchiimba "Mbiri kuna Mambo wedu!"
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.