Jesu Muri Rudo Diko
UMC Nziyo 67
1
Jesu muri rudo diko Makadzika pasi pano, Nekukungurira isu Tanga tiri varasiki. Takadiwa zvirokwazvo Muumambo hwenyu, Jesu, Zvino basa redu pano Ndere kuwonesa rudo.
2
Mwari, mune mwoyo chena, Munodisa vanhu vese, Hamutsari vekudisa, Asi munovada vese; Zvino tinomukumbira, Bvisai zvese zvakaipa, Nharo, shungu, kuba, nhema Kuti tifanane nemi.
3
Tinomukumbira, Baba, Mweya Wakachena, dzikai, Pindai mune mwoyo yedu. Taizarurira imi; Pindai, garai umo nhasi Nekusingachazoperi, Toda kuva vanhu venyu, Kumufadza misi yese.
4
Makashanda basa, Jesu, Mukapedza zvakanaka, Ndizvo nesu tinorida Kuriita basa renyu; Nyika yedu ine rima, Tigadzirireyi, Jesu, Tichafamba naro izwi Kune hama dzedu kwese.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.