Bhaibheri

Ndiudze Nyaya YaJesu

UMC Nziyo 68

1

Ndiudze nyaya yaJesu Yezvinhu zvekudenga, Yembiri yake Jesu Nekunakisa kwake. Ndiudze nyaya kwadi Sekunga mwana wako, Nekuti ndiri mwana Muzvinhu zvekudenga.

Chorus

Ndiudze nyaya yaJesu Ndiudze nyaya yaJesu, Ndiudze nyaya yaJesu Yerudo kune vese.

2

Ndiudze nyaya yaJesu, Yemazwi akanaka, Nekuti ndinoida Nemwoyo wangu wese; Inondifadza kwazvo Kuziva kuti Kristu, Zvowakadzika pasi, Nekuti wakatida.

3

Ndiudze nyaya yaJesu, YaMuponesi wangu, Waradzikira pasi Hupenyu hwake ndini; Ndinoshamiswa kwazvo Nerudo rwakadaro, RwaMwari, Baba wedu, Kutipa mwana wake.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.