Bhaibheri

Kana Ndawona Muchinjiko

UMC Nziyo 71

1

Kana ndawona muchinjiko Paakafa Jesu Kristu, Zvose zvangu ndazvizvidza Nokuzvidzora ndega.

2

Ndirambidzei kuzvikudza Kunze kwekufa kwa 'She Zvose zvinondinyangadza Zvibviswe neropa renyu

3

Ona maropa anobva Musoro, diti, mawoko Hakuna rudo rumweba Neurombo hwakadaro

4

Dai zvinhu zvose zvangu Ne izvi hazvidzokere; Rudo urwu rwakadai, Runodisa ndizvipire.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.