Wonai Jesu Kristu
UMC Nziyo 77
1
Wonai Jesu Kristu pamuchinjiko wake Fungai rufo rwake basa rakanaka.
Chorus
Jesu wakakufira, Jesu wakandifira Ruponeso rukuru rwevanhu kwese kwese.
2
Tsvakayi ruponeso nekuti rwakanaka, Musina Muponesi, hamuchazoponeswi.
3
Tendayi kuna Jesu saMuponesi wenyu, Hakuna rukariro, musina Muponesi.
4
Siyayi vese avo vanoda zvakaipa, Sarudzai vashamwari vanoda zvakanaka.
5
M'ponesi ane simba nerudo kune vese, Wamumirira zvino, huyayi, muteere.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.