Wakafa Muponesi Wangu
UMC Nziyo 78
1
Wakafa Muponesi wangu Muchengeti kwaye, Nekuda ini mushaishi Kuti ndiponeswe.
Chorus
Chindiwonai Muponesi Ndiwe anotendwa, Pamusi anotonga vese Muzonditorera.
2
Wakafa nekuipa kwangu Uko ndakaita, Hakuna nyasha dzakadaro Pasi pano pese.
3
Nekuti muchinjiko wake Unojeka kwazvo, Ndizvozvo ndinosvisa usu Nekunyara kwangu.
4
Tinonzwa kuti iyo nguva Zuva rakadzima, Nekuti Kristu wakafira Vanhu vese pasi.
5
Misodzi yangu haikwani Kuwonesa rudo, Ndomupa Tenzi mweya wangu Nemuviri zvese.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.