Bhaibheri

Haleluya, Wakamuka

UMC Nziyo 84

1

Haleluya, wamuka ngaaridzwe mabhero Haleluya, wamuka Muponesi wevanhu.

Chorus

Imbai vanhu vese muchiti nemasimba Wakamuka wakamuka kugara narinhi.

2

Haleluya, wakamuka, 'po dombo rakabva, Haleluya, wakamuka, rukundo rukuru.

3

Haleluya, wakamuka, wabuda muguva, Haleluya, wakamuka, nesimba raMwari.

4

Haleluya, wakamuka, tofara zvikuru, Haleluya, wakamuka, M'ponesi mupenyu.

5

Haleluya, wakamuka kutipa masimba, Haleluya, wakamuka, kutipa hupenyu.

6

Haleluya, wakamuka, kutonga naBaba, Haleluya, wakamuka, kutikumbirira.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.