Jesu, Muri Nzira Yedu
UMC Nziyo 96
1
Jesu muri nzira yedu Tenzi Mambo Mwari wedu, Toponeswa nemi mega Kubva muzvitema zvedu.
Chorus
Ndoponeswa nezwi renyu Rakatumwa pasi kare, Ndoponeswa nerutendo Kuna Jesu Muponesi.
2
Mazwi enyu ndeeidi, Ngaadzike, Tenzi wedu, Achenese mwoyo yedu, Ive mwoyo yakachena.
3
Imi, rwizi rwekupona, Jesu, Mambo, Mwari wedu, Tinopiwa mvura yedi, Tiponeswe tese nemi.
4
Ndizvo ngatikudze Jesu, Tenzi wedu, Mwari wedu, Timutende, tinamate, Mumazuva edu ese.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.