Bhaibheri

Mweya Wangu, Nangisisa

UMC Nziyo 97

1

Mweya wangu nangisisa Zvinhu zvekum'soro, Zvinhu zvese zviri pasi Zvichatsakatika. Zuva mwedzi zvichapera Pasi pese pachapiswa, Zvinogadzirira kuenda Kune musha wangu.

2

Nzizi dzinotsvaka nyanza, Hadzichazomiri, Moto unokwira denga Kune zuva iyo; Ndizvo mwoyo yakanaka Inodisa Baba wayo, Inodisa kumuwona Nekugara naye.

3

Ndizvo chinyarara zvako, Usatambudzike, Chisimuka, famba zvako; Pane rwendo rwako; Uchawona Mambo Jesu, Achiuya mumakore Kuzotora vese avo Vaimuda pano.

4

Rasa zvese zvinhu zvako Zvinokunyengedza, Zvinokupfuwira pasi, Zvinokushatisa; Ida zvinhu zvekudenga, Izvo zviri zvakanaka, Gadzirira kuenda iko Kune denga dzvene.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.