Bhaibheri

Ingirozi Dzinoimba

UMC Nziyo 99

1

Ingirozi dzinoimba Dzinokuwa nekufara, Denga rese rinofadzwa Mazambara azarurwa. Jesu Mambo wakauya Tenzi wavatenzi vese, Haleluya kuna Jesu Haleluya kuna Mambo.

2

Jesu watokwidzwa denga, Ane mbiri yakakomba, Zvino Baba wake, Mwari, Matomupa simba rese; Wonai ari pachigaro, Jesu anotonga ega; Haleluya, kuna Jesu! Haleluya, kuna Mambo!

3

Jesu watokwidzwa denga, Kuna Baba wake iyo, Basa rake pasi pano Rakapera zvakanaka; Zvino ari kutunhidzwa Nevatsvene vekudenga; Haleluya, kuna Jesu! Haleluya, kuna Mambo!

4

Jesu watokwidzwa denga, Zvino watogadzwa Mambo, Anotonga nechisepe, Mambo wedu wakanaka; Ngatimuimbire ndwiyo, Ngatikudze zita rake; Haleluya, kuna Jesu! Haleluya, kuna Mambo!

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.