Bhaibheri

The Eight Beatitudes

UMC Mirairo 6

Vakakomborerwa Zvavo

1

Vakakomborerwa zvavo vanoziva kuti ivo varombo mumweya. Umambo hwokudenga ndohwavo.

2

Vakakomborerwa zvavo vanochema. Mwari achavanyaradza.

3

Vakakomborerwa zvavo vanozvirereka. Vachagamuchira zvavakavimbiswa naMwari.

4

Vakakomborerwa zvavo vaneshungu yokuita zvinodikanwa naMwari. Mwari achavagutsa zvakakwana.

5

Vakakomborerwa zvavo vanonzwira vamwe tsitsi. Mwari achavanzwirawo tsitsi.

6

Vakakomborerwa zvavo vakachena mumwoyo. Ndivo vachaona Mwari.

7

Vakakomborerwa zvavo vanovavarira kuwadzanisa vamwe. Mwari achavadaidza kuti vana vake.

8

Vakakomborerwa vanotambudzwa pamusana pokuita zvinoda Mwari. Umambo hwokudenga ndehwavo.

9

Imi farai zvikuru kana vachikuzvidzai, vachikutambudzai, vachikupomerai zvakaipa zvosepamusana pangu kunyange zvose izvi dziri nhema bedzi.

10

Imi farai zvikuru kwazvo; nokuti muchapiwa mubayiro wenyu mukuru kudenga;

11

nokuti ivo vakatambudzwawo zvakadaro vaPorofita vakakutangirai imi.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.