Bhaibheri

1 Johani 5

1 John 5 · 21 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Mumwe nomumwe, unotenda kuti Jesu ndiye Kristu, iye wakaberekwa naMwari; mumwe nomumwe, unoda iye wakabereka, unoda vo wakaberekwa naye.

2Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti tinoda vana vaMwari, kana tichida Mwari, tichiita mirairo yake.

3Nokuti rudo rwaMwari ndirwo, kuti tichengete mirairo yake; mirairo yake hairemi.

4Nokuti chinhu chipi nechipi, chinoberekwa naMwari chinokunda nyika; uku ndiko kukunda kunokunda nyika, ndiko kutenda kwedu.

5Ndianiko unokunda nyika? Haazi iye unotenda kuti Jesu Kristu; ndiye mwanakomana waMwari here?

6ndiye wakavuya nemvura neropa, iye Jesu Kristu; haana kuvuya nemvura bedzi, asi nemvura neropa. Mweya ndiye unopupura nokuti mweya ichokwadi

7Nokuti vatatu vanopupura kudenga Baba, Shoko naMweya Mutsvene, ava vatatu ndimumwe.

8Varipo vatatu vanopupura panyika zvinoti Mweya, mvura neropa izvi zvitatu ava vatatu vanotenderana pachinhu chimwe.

9Kana tichigamuchira kupupura kwavanhu, kupupura kwaMwari kukuru; nokuti kupupura kwaMwari ndiko, kuti wakapupura pamusoro poMwanakomana wake.

10Uyo, unotenda kuMwanakomana waMwari, kupupura unako mukati make; usingatendi Mwari, wakamuita murevi wenhema; nokuti haana kutenda kupupura kwakapupurirwa naMwari pamusoro poMwanakomana wake.

11Kupupura ndiko, kuti Mwari wakatipa vupenyu bwusingaperi; zvino vupenyu ubwu bwuri muMwanakomana wake.

12UnoMwanakomana, unovupenyu; usinoMwanakomana waMwari haanovupenyu.

13Ndakakunyorerai zvinhu izvi kuti mugoziva kuti munovupenyu bwusingaperi, iyemwi munotenda kuzita romwanakomana waMwari.

14Ndiko kusatya, kwatinako kwaari, kuti kana tichikumbira chinhu nokuda kwake, unotinzwa;

15zvino kana tichiziva kuti unotinzwa pazvose zvatinokumbira, tinoziva kuti tapiwa mikumbiro yatakakumbira kwaari.

16Kana munhu achivona hama yake ichiita chinhu chisati chiri chorufu, uchakumbira, Mwari agomupa vupenyu bwunopiwa vasingaiti chivi chorufu. Chiripo chivi chorufu; handiti akumbire pamusoro pechichi.

17Kusarurama kwose chivi; zvino chivi chiripo chisati chiri chorufu.

18Tinoziva kuti mumwe nomumwe wakaberekwa naMwari haaiti zvivi; asi wakaberekwa naMwari unochengetwa naye, wakaipa haangamubati.

19Tinoziva kuti tiri vaMwari, nenyika yose ivete munaiye wakaipa.

20Tinoziva kuti mwanakomana waMwari wakavuya, akatipa kuziva, kuti tizive iye wazvokwadi; nesu tiri munaiye wazvokwadi, mumwanakomana wake Jesu Kristu. Ndiye Mwari wazvokwadi, novupenyu bwusingaperi.

21Vana vaduku, zvichenjererei pazvifananidzo.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.