2 Johani 1
2 John 1 · 13 verses
1Mukuru kunamai vakasanangurwa navana vavo vandinoda nezvokwadi; ndisati ndiri ini ndoga, asi navose vo vanoziva zvokwadi;
2nokuda kwezvokwadi, inogara matiri, ichagara vo nesu nokusingaperi.
3Nyasha,nengoni,nerugare zvichava nesu, zvinobva kuna Mwari Baba nokunaShe Jesu Kristu, Mwanakomana waBaba, muzvokwadi norudo.
4Ndinofara zvikuru, nokuti ndakawana vamwe vana venyu vachifamba muzvokwadi, se zvatakarairwa naBaba.
5Zvino ndinokumbira kwamuri, mai, ndisingaiti sendinokunyorerai murairo mutsva, asi uyo watakanga tinawo kubva pakutanga, wokuti tidane.
6Ndirwo rudo, kuti tifambe nemirairo yake. Ndiwoyu murairo, sezvamakanzwa kubva pakutanga, kuti mufambe mauri.
7Nokuti vanyengeri vazhinji vakabudira munyika, vasingapupuri kuti Jesu Kristu wakavuya panyama. Ndiye munyengeri naantikristu.
8Zvichenjererei imi, kuti murege kurashikirwa nezvatakabatira, asi kuti mupiwe mubairo wakakwana.
9Mumwe nomumwe, unotungamirira vamwe, asingarambiri mukudzidzisa kwaKristu, haanaMwari; asi uyo, unorambira mukudzidzisa ndiye unaBaba noMwanakomana.
10Kana mumwe achivuya kwamuri, asingavuyi nokudzidzisa uku, musamugamuchira mumba, kana kuti kwaari, Kwaziwa!
11Nokuti unoti kwaari kwaziwai unofambidzana naye pamabasa ake akaipa.
12Kunyange ndinezvizhinji zvandaida kukunyorerai, handidi kunyora pamwadhi neingi; asi ndinotarira kuti ndichavuya kwamuri, tigotaurirana nomuromo, kuti mufaro wenyu uzadziswe.
13Vana vomunun’una wenyu vakasanangurwa vanokukwazisai.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.