Bhaibheri

1 Petro 3

1 Peter 3 · 22 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Saizvozvo, imi vakadzi, ivai pasi pavarume venyu; kuti kunyange kana vamwe vasingatereri shoko, vadzorwe nomufambire wavakadzi vavo pasineshoko rinorebwa,

2kana vachivona mufambire wenyu, wakachena pamwe chete nokutya Mwari.

3Kushonga kwenyu ngakurege kuva kwokunze, kwokuruka vhudzi, nokushonga ndarama, kana kupfeka nguvo;

4asi ngakuve munhu wakavanzika womoyo, wakashonga zvisingavori zvomweya munyoro wakanyarara, unokosha, zvikuru pamberi paMwari.

5Nokuti saizvozvo vo kare vakadzi vatsvene, vaivimba naMwari, vakazvishongedza, vachizviisa pasi pavarume vavo,

6saSara waiterera Abhurahamu, achimuidza ishe; mava vana vake zvino, kana muchiita zvakanaka, musingatyiswi nechinhu chipi nechipi chinovhundusa.

7Saizvozvo imi varume, garai navakadzi venyu nokuziva, muchikudza mukadzi muchiti ndiye mudziyo unesimba duku kwamuri, zvavari vadyi venhaka yenyasha yovupenyu pamwe chete nemi; kuti minyengetero yenyu irege kudziviswa.

8Pakupedzisira, muve nomoyo mumwe mose, munzwirane ngoni, mude hama, muve nomoyo munyoro, muzvininipise;

9musingatsivi zvakaipa nezvakaipa, kana kutuka nokutuka; asi muropafadze, nokuti ndizvo zvamakadanirwa, kuti mugare nhaka yokuropafadzwa.

10Nokuti, Uyo, unoda vupenyu, Nokuvona mazuva akanaka, Ngaadzore rurimi rwake panezvakaipa, Nemiromo yake, kuti irege kutaura zvinonyengera.

11Ngaanzvenge zvakaipa, aite zvakanaka; Ngaatsvake rugare, arutevere

12Nokuti meso aShe ari pamusoro pavakarurama, Nenzeve dzake pakukumbira kwavo. Asi chiso chaShe chiri pamusoro pavanoita zvakaipa.

13Ndianiko uchakuitirai zvakaipa, kana muchishingairira zvakanaka?

14Asi kana muchitambudzika nokuda kwokururama, makaropafadzwa; musatya kutyisa kwavo, vuye musakanganiswa.

15Asi itai Ishe Mwari mutsvene mumoyo menyu ave Ishe; mugare makazvigadzira kupindura mumwe nomumwe unokubvunzai pamusoro petariro iri mukati menyu, asi muchiita novunyoro nokutya;

16ivai nehana yakanaka, kuti pavanokucherai, ivo vanomhura mufambire wenyu wakanaka munaKristu, vanyadziswe.

17Nokuti zvirinani, kana kuri kuda kwaMwari, kuti mutambudzike kana muchiita zvakanaka pakuti kana muchiita zvakaipa.

18Nokuti naKristu wakatambudzika vo kamwe chete pamusoro pezvivi, iye wakarurama nokuda kwavasakarurama, kuti atiise kunaMwari; wakavurawa hake panyama, asi wakararamiswa nomweya;

19mauri wakandoparidzira vo mweya iri pakusungwa,

20yakanga isina kuterera kare, panguva iya moyo murefu waMwari uchimirira kugadzirwa kweareka pamazuva aNoa; mukati mayo vashoma, ivo vanhu vasere, vakaponeswa nemvura.

21Naiwo mufananidzo worubhabhatidzo, runokuponesai zvino, rusingarevi kubviswa kwesvina yenyama, asi kutsvaka hana yakanaka kunaMwari nokumuka kwaJesu Kristu;

22iye uri kurudyi rwaMwari; wakapinda kudenga, vatumwa namadzishe namasimba zvikaiswa pasi pake.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.