1 Petro 4
1 Peter 4 · 19 verses
1Naizvozvo, Kristu zvaakatamburira isu panyama, nemi vo mushonge murangariro iwoyo; nokuti munhu wakatambudzika panyama warega zvivi;
2kuti panguva yakasara panyama arege kurarama nokuchiva kwavanhu, asi nokuda kwaMwari.
3Nokuti nguva yakapfuvura yakaringana kuita kuda kwavahedheni, nokufamba novutere, nokuchiva, nokumwa waini, nokutamba kwakaipa, namabira, nokunamata zvifananidzo zvisakafanira;
4vanoshamiswa nechinhu ichi, kuti hamufambidzani navo pakusazvidzora kwavo uku kwakawanda, vachikureverai zvakaipa.
5Ivo vachazvidavirira kunaiye wakazvigadzira kutonga vapenyu navakafa.
6Nokuti nokuda kwaizvozvi Evhangeri yakaparidzirwa vakafa, kuti vatongwe havo panyama nomutovo wavanhu, asi vararame nomutovo waMwari pamweya.
7Zvino kuguma kwezvinhu zvose kwava pedo; naizvozvo ivai vakachenjera musvinure kuti munyengetere.
8Zvikuru kunezvose danai norudo rukuru, nokuti rudo runofukidzira zvivi zvizhinji.
9Itiranai rudo pakati penyu kana muri vaeni, musinganyunyuti.
10Mumwe nomumwe sezvaakapiwa chipo chenyasha, shumiranai nacho savatariri vakanaka venyasha zhinji dzaMwari.
11Kana munhu achitaura, ngaataure saanenge ari mashoko aMwari; kana munhu achishumira ngazviitwe nesimba raanopiwa naMwari; kuti Mwari akudzwe pazvose naJesu Kristu, iye unokubwinya nesimba nokusingaperi- peri. Ameni.
12Vadikanwa, musashamiswa nokunyanyisa kwokuidzwa pakati penyu, kwakavuya kukuidzai, muchiti mawirwa nechisingazikanwi;
13asi farai zvamunogovana naKristu pakutambudzika kwake, kuti pakuvonekwa kwokubwinya kwake mufare vo nomufaro mukuru.
14Kana muchizvidzwa nokuda kwezita raKristu, makaropafadzwa, nokuti Mweya wokubwinya waMwari ugere pamusoro penyu; kwavari pakati pavo unotaurirwa zvakaipa asi pakati penyu unokudzwa.
15nokuti kurege kuva nomumwe wenyu uchatambudzika nemhaka yokuti muvurayi, kana mbavha, kana unoita zvakaipa, kana usingaregi zvavamwe;
16asi kana munhu achitambudzika nokuda kwokuti mukristu, ngaarege kunyadziswa; asi ngaakudze Mwari; nezita iri.
17Nokuti nguva yasvika yokuti kutonga kutange paimba yaMwari zvino kana kukatanga kwatiri, kuguma kwavasingatereri Evhangeri yaMwari kuchagoveiko?
18Vuye kana zvichiremera wakarurama kuti aponeswe, ko uyo, usingadi Mwari, nomutadzi, vachagovonekwepi?
19Naizvozvo naivo, vanotambudzika nokuda kwaMwari, ngavaise mweya yavo kuMusiki wakatendeka vachiita zvakanaka.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.