1 Petro 5
1 Peter 5 · 14 verses
1Naizvozvo ndinoraira vakuru pakati penyu, ini mukuru pamwe chete navo nechapupu chamadambudziko aKristu, nomugovani navo wokubwinya kuchazoratidzwa, ndichiti:
2Fudzai boka raMwari riri pakati penyu, musingazviiti nokurovererwa, asi nomoyo unoda nokuda kwaMwari, musingazviiti nokuda kwokukarira fuma yakaipa;
3musingaiti nesimba nezvamakagoverwa asi muve vatungamiriri veboka.
4Kana Mufudzi mukuru achizovonekwa, muchawana korona yokubwinya isingasvavi.
5Saizvozvo imi vaduku, muzviise pasi pavakuru, nemi mose pfekai kuzvininipisa mumwe kunomumwe, nokuti Mwari unodzivisa vanozvikudza, asi unopa nyasha vanozvininipisa.
6Naizvozvo zvininipisei pasi poruvoko runesimba rwaMwari, kuti akukudzei nenguva yakafanira;
7kandirai pamusoro pake kufunganya kwenyu kwose, nokuti iye unokuchengetai.
8Svinurai, murinde; nokuti muvengi wenyu Dhiabhorosi, unofamba-famba seshumba inorira, ichitsvaka waingaparadza.
9Mumudzivisei, makamira nesimba pakutenda, muchiziva kuti kutambudzika ikoko kunoitirwa hama dzose dziri panyika.
10Zvino Mwari wenyasha dzose, iye wakakudanirai kukubwinya kwake kusingaperi munaJesu Kristu, kana mambotambudzika kanguva kaduku, uchakukwanisai, nokukumisai, nokukusimbisai, nokukuteyai.
11Kwaari ngakuve kubwinya nesimba nokusingaperi-peri. Ameni.
12Ndakakunyorerai mashoko mashomanene naSirivhano, hama yakatendeka pakufunga kwangu, ndichiraira, nokupupura kuti idzi ndidzo nyasha dzazvokwadi dzaMwari; mirai madziri.
13Kereke iri muBhabhironi, yakasanangurwa pamwe chete nemi, naMarko, mwanakomana wangu, vanokukwazisai.
14Kwazisanai nokusveta kworudo. Rugare ngaruve nemi mose muri munaKristu.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.