Bhaibheri

2 Petro 1

2 Peter 1 · 21 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Simeoni Petro, muranda nomuapostora waJesu Kristu, kunavakagoverwa kutenda kumwe nokwedu, kunokosha, nokururama kwaMwari wedu noMuponesi Jesu Kristu;

2nyasha ngadzive nemi norugare ngaruwanzwe pakuziva Mwari naJesu, Ishe wedu;

3nokuti nesimba rovuMwari bwake takapiwa zvose zvinodikanwa pavupenyu napakunamata Mwari, nenzira yokumuziva iye wakatidana nokubwinya kwake nokunaka;

4akatipa nazvo zvipikirwa zvinokosha zvakakura kwazvo; kuti nazvo muve vanhu vakagoverwa vuMwari, matiza kuvora kuri panyika nokuchiva.

5Zvino nemhaka iyi muchishingaira kwazvo wedzerai kunaka pakutenda kwenyu, napakunaka wedzerai kuziva;

6napakuziva, kuzvidzora; napakuzvidzora, kutsungirira; napakutsungirira, kunamata Mwari;

7napakunamata Mwari, kuda vatendi, napakuda vatendi, rudo.

8Nokuti kana zvinhu izvi zviri mamuri, zvichiramba zvichiwanzwa, zvichakuitai vanhu vasinovusimbe navasingashaiwi zvibereko pakuziva Ishe wedu, Jesu Kristu.

9Nokuti munhu, usinaizvozvi ibofu, unovona zviri pedo bedzi, wakanganwa kusukwa kwezvivi zvake zvakare.

10Saka, hama dzangu, shingairai kwazvo kuti musimbise kudanwa nokusanangurwa kwenyu; nokuti kana muchiita izvozvi hamungatongogumburwi;

11nokuti muchazviita muchazarurirwa zvakanaka kuti mupinde muvushe bwusingaperi bwaShe wedu, noMuponesi Jesu Kristu.

12Saka handingaregi kukuyevudzai zvinhu izvi nguva dzose, kunyange muchizviziva henyu, vuye makasimba pazvokwadi yamunayo.

13Ndinoti zvakanaka, kuti ndichiri mutabhernakeri ino ndikumutsei nokukuyevudzai;

14ndichiziva kuti kubviswa kwetabhernakeri yangu kwava pedo, sezvandakaratidzwa naShe wedu Jesu Kristu.

15Zvino ndichashingaira, kuti mugogona kurangarira zvinhu izvi nguva dzose kana ndaenda.

16Nokuti hatina kutevera ngano dzokufungwa nenjere, nguva yatakakuzivisai simba nokuvuya kwaShe wedu Jesu Kristu, asi takanga tiri vanhu vakavona vumambo bwake.

17Nokuti iye wakapiwa kukudzwa nokubwinya naMwari, Baba, panguva iya, yakavuya inzwi rakadai kwaari.richibva kukubwinya kukuru-kuru, richiti: Uyu ndiye Mwanakomana wangu unodikanwa, wandinofarira.

18Inzwi iri takarinzwa isu, richibva kudenga, nguva yatakanga tinaye mugomo dzvene.

19Vuye tineshoko rovuporofita rakasimba kwazvo, ramunoita zvakanaka kana muchiriterera, rakaita somwenje unovhenekera munerima, kusvikira vutonga bwuchitsuka, nenyamasase ichibudira moyo yenyu;

20muchiziva pakutanga, kuti hakunovuporofita bworugwaro bwunongodudzirwa nomunhu;

21nokuti hakunovuporofita bwakatongovuya nokuda kwomunhu, asi vanhu vatswene vaMwari vakataura, vachimutswa noMweya Mutsvene.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.