Bhaibheri

1 Timoti 1

1 Timothy 1 · 20 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Pauro, muapostora waShe Kristu Jesu nokuraira kwaMwari, Muponesi wedu, naKristu Jesu, tariro yedu;

2kunaTimotio, mwana wangu chaiye pakutenda: Nyasha, nengoni, norugare, zvinobva kunaMwari Baba, naKristu Jesu, Ishe wedu, ngazvive newe.

3Sezvandakakumbira zvikuru kwauri, ini ndichienda Makedhonia, ndinoti, usare paEfeso, kuti uraire vamwe varege kudzidzisa dzimwe dzidziso.

4kana kurangarira ngano namazita amadzitetegeru asingaperi, zvinongomutsa nharo, zvisingatendisi zvakarairwa naMwari, zviri mukutenda.

5Asi chinovavarirwa nomurairo ndirwo rudo runobva pamoyo wakachena, napahana yakanaka, napakutenda kusinganyengeri;

6vamwe vakarashika pazvinhu izvozvi, vakatsaukira kukutaura kusinamaturo;

7vachitsvaka kuti vave vadzidzisi vomurairo, vasingazivi zvavanoreva kana zvavanosimbisa.

8Asi tinoziva kuti murairo wakanaka, kana munhu achiita nawo sezvinoreva murairo,

9achiziva kuti murairo hauna kuitirwa wakarurama, asi vasinehanya nomurairo, navasingatereri, navasingadi Mwari, navatadzi, navasi vatsvene, navasinehanya naMwari, navanorova madzibaba, navanorova madzimai,navanovuraya vanhu;

10nemhombwe, navanopombora navarume,navanoba vanhu, navanoreva nhema, navanopika nhema, vuye kana chimwe chiri’ko chinopesana nedzidziso yakarurama;

11sezvinoreva Evhangeri yokubwinya kwaMwari womufaro, yandakapiwa ini.

12Ndinomuvonga iye Kristu Jesu, Ishe wedu, wakandipa simba, nokuti wakati ndakatendeka, akandiisa pabasa rake;

13kunyange ini ndaimhura Mwari kare, nomutambudza ndichiitira vanhu zvakaipa; asi ndakaitirwa ngoni, nokuti ndakanga ndichizviita nokusaziva pakusatenda;

14asi nyasha dzaShe wedu dzakawanda zvikuru nokutenda, norudo ruri munaKristu Jesu.

15Ishoko razvokwadi, rinofanira kutendwa kwazvo, kuti Kristu Jesu wakavuya panyika kuzoponesa vatadzi; avo, ini ndiri mukuru wavo;

16asi naizvozvo ndakaitirwa ngoni, kuti Jesu Kristu aratidze moyo wake wose murefu mandiri, ini mukuru wavatadzi, kuti ndive chiratidzo kunavanozotenda kwaari, zvinovaisa kuvupenyu bwusingaperi.

17Zvino iye Ishe usingaperi, usingafi, usingavonekwi, Mwari woga, wakachenjera ngaave nokukudzwa nokubwinya nokusingaperi-peri. Ameni.

18Basa iri, rakarairwa, ndinokupa iro, iwe Timotio, mwana wangu, kuti sezvazvakaprofitwa kare pamusoro pako, urwe pfumo rakanaka mazviri;

19wakabata kutenda nehana yakarurama; iyo yakarashwa navamwe, vakarashikirwa nokutenda;

20vamwe vavo ndiHimenio naAreksandro, vandakaisa kunaSatani, vadzidziswe kuti varege kumhura Mwari.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.