Bhaibheri

1 Timoti 2

1 Timothy 2 · 15 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Naizvozvo pakutanga kwezvose ndinoraira kuti vanhu vose vakumbirirwe, vanyengetererwe, varevererwe, vavongerwe;

2madzimambo, navose vari vakuru, kuti tigare norugare nokunyarara pakunamata Mwari kwose, nomugarire unokudzwa.

3Ndizvo zvakanaka, zvinofadza pamberi paMwari, Muponesi wedu;

4uyo unoda kuti vanhu vose vaponeswe, vasvike pakuziva zvokwadi.

5Nokuti kunongova naMwari mumwe chete, noMureveri mumwe chete vo, pakati paMwari navanhu, ndiye munhu Kristu Jesu,

6wakazvipa iye, kuti ave rudzikinuro rwavose, chive chapupu panguva dzakafanira,

7icho chandakaitirwa muparidzi nomuapostora (ndinoreva zvirokwazvo, muna Kristu handirevi nhema), nomudzidzisi wavahedheni pakutenda nezvokwadi.

8Naizvozvo ndinoda kuti varume vanyengetere panzvimbo dzose, vachisimudza mavoko matsvene, vasinakutsamwa nenharo.

9Saizvozvo vo, kuti vakadzi vashonge nguvo dzakafanira, vanokunyara nokuzvidzora; vasava nevhudzi rakarukwa, nendarama, kana maparera, kana nguvo dzinodya mari zhinji;

10asi ngavashonge mabasa akanaka, sezvinofanira vakadzi vanoti tinonamata Mwari.

11Mukadzi ngaadzidze nokunyarara nokuzviisa pasi kwose.

12Asi handitenderi mukadzi kuti adzidzise, kana kuti ave nesimba pamusoro pomurume, asi ngaanyarare.

13Nokuti Adhama wakatanga kuvumbwa, tevere Evha;

14naAdhama haana kunyengerwa, asi mukadzi wakanyengerwa akapinda pakudarika;

15asi uchaponeswa nokubereka vana, kana vachirambira mukutenda norudo, novutsvene pamwe chete nokuzvidzora.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.