1 Timoti 3
1 Timothy 3 · 16 verses
1Ishoko razvokwadi, rokuti, kana munhu achitsvaka basa romutariri, unoda basa rakanaka.
2Naizvozvo mutariri unofanira kuva munhu usina chaangapomerwa, murume womukadzi mumwe chete, wakangwara, wakachenjera, unomugarire wakafanira, unoitira vaeni rudo, unoziva kudzidzisa,
3usingadi waini, usingarwi; asi munyoro, usinegakava, usingakariri mari;
4unobata imba yake zvakanaka, unavana vanozviisa pasi nomugarire wose unokudzwa;
5(kana munhu asingazivi kubata imba yake, ungachengeta seiko kereke yaMwari?)
6Asava mutendi mutsva, kuti arege kuzvikudza, akawira mukutongwa kumwe naDhiabhorosi
7Vuye zve, unofanira kupupurirwa zvakanaka navari kunze, kuti arege kuzvidzwa nokubatwa nemusungo waDhiabhorosi.
8Saizvozvo vo vashumiri ngavave vanokudzwa, vasinamanzwi maviri, vasingadi waini zhinji, vasingakariri fuma yakaipa;
9vanochengeta zvakavanzika zvokutenda muhana yakanaka.
10Naivo ngavatange kuidzwa vo, ipapo vashumire, kana vasina chavangapomerwa.
11Saizvozvo navakadzi ngavave vanokudzwa, vasingacheri vamwe, vakasvinuka, vakatendeka pazvose.
12Vashumiri ngavave varume vanomukadzi mumwe chete, vanobata vana vavo nedzimba dzavo zvakanaka;
13nokuti avo vakashumira zvakanaka, vanozviwanira zita rinokudzwa nokutsunga kukuru pakutenda kwavo munaKristu Jesu.
14Zvinhu izvi zvose ndinokunyorera, ndichiti ndichakurumidza kuvuya kwauri;
15zvino kana ndikanonoka, ndinoda kuti uzive kuti vanhu vanofanira kufamba sei mumba maMwari, iyo kereke yaMwari mupenyu, mbiru nechitsigiro chezvokwadi.
16Hakuna ungaramba kuti chakavanzika chokunamata chikuru kwazvo, chokuti: Iye Mwari wakaratidzwa panyama, wakaruramiswa pamweya, wakavonekwa navatumwa, wakaparidzwa pakati pavahedheni, wakatendwa panyika, wakakwidzwa mukubwinya.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.