1 Timoti 4
1 Timothy 4 · 16 verses
1Zvino Mweya unoreva pachena, kuti panguva dzinovuya vamwe va chatsauka pakutenda, vachiterera mweya inonyengera nedzidziso dzemweya yakaipa,
2vachinyengerwa navanoreva nhema, vakapiswa pahana dzavo nedare rinopisa,
3vachidzivisa vanhu kuwanana, nokuraira kuti zvimwe zvokudya zviregwe, zvakasikwa naMwari, kuti zvigamuchirwe nokuvonga navanotenda, vanoziva zvokwadi.
4Nokuti zvose zvakasikwa naMwari zvakanaka, hakunechinhu chingafanira kurashwa, kana chichigamuchirwa nokuvonga;
5nokuti chinoitwa chitsvene neshoko raMwari nokunyengetera.
6Kana uchiyevudzira hama zvinhu izvi, uchava mushumiri wakanaka waKristu Jesu, wakarerwa namashoko okutenda needzidziso yakanaka, yawakatevera nomoyo wose.
7Asi urambe ngano dzisine hanya naMwari nedzechembere. Uzvirovedze kunamata Mwari.
8Nokuti kurovedza muviri kunobatsira zvishoma hako, asi kunamata Mwari kunobatsira pazvinhu zvose, zvakune chipikirwa chovupenyu bwazvino nobwunovuya.
9Ishoko razvokwadi, rinofanira kutendwa kwazvo.
10Nokuti ndizvo zvatinotambudzikira nokurwira, nokuti tariro yedu iri kunaMwari mupenyu, Muponesi wavanhu vose, zvikuru wavanotenda.
11Raira nokudzidzisa zvinhu izvi:
12Munhu ngaarege kuvapo unozvidza vuduku bwako, asi uitire vanotenda makwara, pashoko napamufambire, naparudo, napaMweya napakutenda, napakuchena kwomoyo.
13Shingaira pakurava, napakuraira, napakudzidzisa, kusvikira ndichivuya.
14Usarega kuchengeta chipiwa chiri mauri, nokuporofita, nokuiswa mavoko avakuru.
15Shingairira zvinhu izvi, uzviite nomoyo wose, kuti kupfuvurira mberi kwako kuvonekwe navanhu vose.
16Uzvichengete iwe nedzidziso yako. Urambire pazvinhu izvi, nokuti kana uchiita izvozvi, uchazviponesa iwe navanokunzwa.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.