1 Timoti 5
1 Timothy 5 · 25 verses
1Usatuka mukuru, asi umuraire sababa, navaduku savanun’una,
2navakadzi vakuru samadzimai, navaduku sehanzvadzi nokuchena kwomoyo kwose.
3Kudza chirikadzi, dziri chirikadzi chaidzo.
4Asi kana chirikadzi inavana kana vazukuru, ngavatange ivo kudzidza kunamata Mwari paimba yavo, vadzosere zvakafanira kuvabereki vavo, nokuti ndizvo zvinofadza Mwari.
5Zvino kana iri chirikadzi chaiyo, yakasiyiwa iri yoga, ndiyo inovimba naMwari, inogara ichikumbira nokunyengetera vusiku namasikati.
6Asi iyo inokarira zvinofadza, yakafa ichiri mhenyu.
7Raira vo zvinhu izvi, kuti varege kuva nechavangapomerwa.
8Asi kana munhu asingachengeti vokwake, zvikuru veimba yake, warasha kutenda, wakaipa kukunda usingatendi.
9Chirikadzi ngairege kunyorwa zita, asi kana yasvika makore makumi matanhatu, yaiva mukadzi womurume mumwe chete,
10inorumbidzwa pamusoro pamabasa akanaka, kana yakarera vana, kana yaifarira vaeni, kana yaishambidza tsoka dzavatsvene, kana yaibatsira vari munjodzi, kana yaishingairira mabasa ose akanaka.
11Asi urambe chirikadzi kana vachiri vakadzi vaduku, nokuti kana dzopesana naKristu, dzotsvaka kuwanikwa;
12dzava nemhosva, nokuti dzaramba kutenda kwokutanga;
13vuye zve, dzinodzidza kuva novusimbe dzichipota nedzimba; hadzizi simbe bedzi, asi vaiti vo vamakuhwa, dzisingaregi zvavamwe, dzichitaura zvisakafanira.
14Naizvozvo ndinoda kuti chirikadzi duku dziwanikwe, dzibereke vana, dzichengete dzimba dzadzo, kuti dzirege kutongopa muvengi nzira yokupomera nayo.
15Nokuti vamwe vatotsauka vachitevera Satani.
16Kana murume kana mukadzi mutendi anechirikadzi, ngadzibatsire, kereke irege kuremedzwa kuti igobatsira chirikadzi chaidzo.
17Vakuru vanobata kereke zvakanaka ngavanzi vanofanirwa nokukudzwa kaviri, zvikuru avo vanobata pashoko napakudzidzisa.
18Nokuti Rugwaro runoti: Usasunga muromo wenzombe inopura; vuye zve: Mubati wakafanirwa nomubairo wake.
19Usangotenda mhaka inopomerwa mukuru, asi kana ichibva pamiromo yezvapupu zviviri kana zvitatu.
20Vanotadza uvarange pamberi pavose, kuti vamwe vagotya.
21Ndinokuraira kwazvo pamberi paMwari, naKristu Jesu, navatumwa vakasanangurwa, kuti uchengete zvinhu izvi usingatongi usati wambonzwa kwazvo, kana kuita chinhu uchitsaura vanhu.
22Usakurumidza kuisa mavoko pamusoro pomunhu, kana kusongana pazvivi zvavamwe; uzvichengete kuti uve wakachena.
23Usaramba uchingonwa mvura bedzi, asi unwe waini shoma nokuda kwomudumbu mako novutera bwako bwuzhinji.
24Zvivi zvavamwe vanhu zvinovonekwa pachena, zvinotungamirira kutongwa kwavo vamwe zve vanoteverwa nazvo,
25Saizvozvo vo kunamabasa akanaka anovonekwa pachena, naasina kudaro haangavanzwi.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.