Bhaibheri

1 Timoti 6

1 Timothy 6 · 21 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Vose vari varanda pasi pejoko, ngavati vatenzi vavo vanofanirwa nokukudzwa kwose, kuti zita raMwari nedzidziso zvirege kumhurwa.

2Avo vanavatenzi vanotenda, ngavarege kuvazvidza zvadziri hama, asi zvikuru ngavavabatire, zvavari vatendi navanodikanwa vanobatsirwa nokubata kwavo kwakanaka. Dzidzisa zvinhu izvi, uzviraire.

3Kana kunomunhu unodzidzisa imwe dzidziso, asingabvumiri mashoko akarurama, mashoko aShe wedu, Jesu Kristu, nedzidziso inofambirana nokunamata Mwari,

4unongozvikudza, asingazivi chinhu, asi unongokarira mibvunzo nenharo dzinomutsa godo, negakava, nokutuka, nokufungidzira kwakaipa,

5nokukakavadzana kusingaperi kwavanhu vanomurangariro wakavodzwa, vakatorerwa zvokwadi, vachiti kunamata Mwari ndizvo zvinofumisa.

6Zvino kunamata Mwari pamwechete nokugutsikana nezvatinazvo ndizvo zvinofumisa kwazvo;

7nokuti hatina kuvuya nechinhu panyika, hatigoni vo kubuda tinechinhu.

8asi kana tinezvokudya nezvokufuka, tichatenda nazvo.

9Asi vanotsvaka kufuma, vanowira mukuidzwa nomumusungo, nomukuchiva kwoupenzi kuzhinji kunokuvadza, zvinonyudza vanhu mukuparadzwa nokurashwa.

10Nokuti kuda mari ndiwo mudzi we zvakaipa zvose; vamwe vakati vachiida zvikuru vakatsauswa pakutenda, vakazvibaya neshungu zhinji.

11Asi iwe, munhu waMwari, tizazvinhu izvi; utevere kururama nokunamata Mwari, nokutenda, norudo, nokutsungirira, novunyoro.

12Urwe kurwa kwakanaka kwokutenda, ubatisise vupenyu bwusingaperi, bwawakadanirwa kwabwuri, ukapupura kupupura kwakanaka pamberi pe zvapupu zvizhinji.

13Ndinokuraira pamberi paMwari, unopa zvinhu zvose vupenyu bwazvo, napamberi paKristu Jesu, wakapupura kupupura kwakanaka pamberi paPontio Pirato;

14kuti uchengete murairo, usinoruvara, usina chaungapomerwa, kusvikira pakuvonekwa kwaShe wedu, Jesu Kristu;

15kwaachazoratidza panguva dzake, iye oga wakaropafadzwa noWamasimbaose, Mambo wamadzimambo, Ishe wamadzishe';

16iye oga usingafi, ugere pachiedza chisingagoni kuti munhu aswedere kwachiri; usina kumbovonekwa nomunhu, vuye usingagoni kuvonekwa; kukudzwa nesimba risingaperi ngazvive kwaari. Ameni.

17Raira vafumi panyika yazvino, kuti varege kuzvikudza, kana kuvimba nefuma isingagari, asi naMwari, unotipa zvose achiwanza, kuti tifare nazvo;

18kuti vaite zvakanaka, vave vafumi pamabasa akanaka, vafarire kupa vamwe, nokugovana;

19vazvirongedzere nheyo dzakanaka dzenguva inovuya, kuti vabatisise vupenyu chaibwo.

20Iwe, Timotio, chengeta icho chawakapiwa, ufuratire kutaura kusinehanya naMwari nokuramba kunobva pazivo inonzi zivo., dziri nhema hadzo;

21iyo yakapupurwa navamwe, vakazorashika pakutenda. Nyasha ngadzive nemi.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.