Bhaibheri

2 Timoti 1

2 Timothy 1 · 18 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Pauro, muapostora waJesu Kristu, nokuda kwaMwari, nokuda kwechipikirwa chovupenyu bwuri munaKristu Jesu,

2kunaTimotio, mwana wangu unodikanwa: Nyasha, nengoni, norugare, zvinobva kunaMwari Baba, naKristu Jesu, Ishe wedu, ngazvive newe.

3Ndinovonga Mwari, wandinoshumira samadziteteguru angu, nehana yakachena, kana ndichiramba ndichikurangarira pakukumbira kwangu vusiku namasikati,

4ndichishuva zvikuru kukuvona, ndichirangarira misodzi yako, kuti ndizadzwe nomufaro;

5ndichiyevudzwa kutenda kusinganyengeri kuri mauri, kwaimbogara pakutanga muna mbuya vako Roisi, nomuna mai vako, vaJunika kwandinoziva kwazvo kuti kunogaravo mauri.

6Nemhaka iyi ndinokuyevudzira kuti ukuchidzire chipiwa chaMwari chiri mauri nokuiswa kwamavoko angu.

7Nokuti Mwari haana kutipa mweya wokutya asi wesimba, noworudo, nowazvokwadi.

8Naizvozvo usanyadziswa nokupupurira Ishe wedu, kana ini, musungwa wake, asi utambudzike pamwe chete neni nokuda kweEvhangeri nesimba raMwari,

9wakatiponesa, akatidana nokudana kutsvene, zvisingabvi pamabasa edu, asi nokufunga kwake, nenyasha dzaakatiitira munaKristu Jesu nguva dzisati dzavapo,

10asi kwakaratidzwa zvino nokuvonekwa kwoMuponesi wedu, Kristu Jesu, iye wakaparadza rufu, akabudisa pachena vupenyu nokusavora nenzira yeEvhangeri,

11yandakaitwa muparidzi, nomuapostora, nomudzidzisi waVahedheni.

12Nemhaka iyi ndinotambudzika vo nezvinhu izvi, asi handinyadziswi, nokuti ndinoziva wandakatenda, ndinoziva kwazvo, kuti unogona kuchengeta chandakamupa kusvikira zuva irero.

13Batisisa zvawakaratidzwa zvamashoko akarurama, izvo zvawakanzwa kwandiri mukutenda norudo ruri munaKristu Jesu.

14Icho chakanaka, chawakapiwa, uchichengete noMweya Mutsvene unogara matiri.

15Unozviziva hako kuti vose vari paAsia vakandifuratira; pakati pavo panaFigero naHermogene.

16Ishe ngaaitire imba yaOnesiforo ngoni, nokuti kazhinji wakandisimbisa, asi nganyadziswi neketani yangu.

17Asi wakati asvika Roma, akanditsvaka zvikuru, akandiwana.

18(Ishe ngaamuitire chinhu ichi kuti awane ngoni kunaShe nezuva irero); newe unoziva kwazvo vukuru bwokushumira kwake paEfeso.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.