Bhaibheri

1 VaKorinde 2

1 Corinthians 2 · 16 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino ini, hama dzangu, pakuvuya kwangu kwamuri, handina kuvuya ndichikuparidzirai vuchapupu bwaMwari nokunaka kwamashoko, kana kwovuchenjeri.

2Nokuti ndakati, handingazivi chinhu pakati penyu, asi Jesu Kristu, iye wakaroverwa pamuchinjikwa.

3Ndakanga ndiri pakati penyu novutera, nokutya, nokudedera kukuru,

4neshoko rangu nokuparidza kwangu hazvizaiva namashoko okugombedzera ovuchenjeri; hwavanhu asi nokuratidza kwoMweya nokwesimba;

5kuti kutenda kwenyu kurege kuva muvuchenjeri bwavanhu, asi musimba raMwari.

6Zvino tinotaura vuchenjeri pakati pavakakwana; asi vuchenjeri bwusati bwuri bwenyika ino, kana bwavabati venyika ino vanoshaiswa simba.

7Asi tinotaura vuchenjeri bwaMwari bwakavanzika, bwakafukidzwa, bwakatemerwa kubwinya kwedu naMwari, nyika isati yavapo;

8bwusina kuzivikanwa nomumwe wavabati venyika ino; nokuti dai vaibwuziva, vangadai vaisarovera Ishe wokubwinya pamuchinjikwa.

9Asi sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Izvo zvisina kuvonekwa neziso, kana kunzwika nenzeve, Nezvisina kupinda mumoyo womunhu, Ndizvo Mwari zvaakagadzirira vanomuda.

10Nokuti Mwari wakazviratidza izvo kwatiri isu noMweya; nokuti Mweya unonzvera zvose, nezvakadzika zvaMwari.

11Nokuti munhu ndoupiko unoziva zvomunhu, asi mweya womunhu, uri maari? Saizvozvo hakunomunhu unoziva zvaMwari, asi Mweya waMwari.

12Zvino isu hatina kugamuchira mweya wenyika, asi Mweya unobva kunaMwari; kuti tizive izvo zvatakangopiwa hedu naMwari.

13Ndizvo zvatinotauravo, tisingatauri namashoko atinodzidziswa novuchenjeri bwomunhu, asi anodzidziswa noMweya mutsvene; tichidudzira zvinhu zvoMweya kuvanhu voMweya.

14Zvino munhu sezvaakaberekwa haagamuchiri zvinhu zvoMweya waMwari; nokuti vupenzi kwaari; haazvinzwisisi, nokuti zvinonzwisiswa noMweya.

15Asi uri woMweya unonzwisisa zvose, asi iye amene haanzwisiswi nomunhu.

16Nokuti ndianiko wakaziva murangariro waShe, kuti amudzidzise? Asi isu tinomurangariro waKristu.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.