Bhaibheri

1 VaKorinde 10

1 Corinthians 10 · 33 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Nokuti handidi, hama dzangu, kuti murege kuziva kuti madzibaba edu ose akanga ari pasi pegore, vuye kuti vose vakayambuka gungwa;

2vose vakabhabhatidzwa munaMosesi mugore nomugungwa;

3vose vakadya zvokudya zvimwe zomweya;

4vose vakanwa zvokunwa padombo romweya rakavatevera; dombo iro rakanga riri Kristu.

5Asi Mwari haana kufadzwa navazhinji vavo; nokuti vakaparadzwa murenje.

6Zvino, zvinhu izvi zvakanga zviri zviratidzo kwatiri, kuti isu tirege kuchiva zvakaipa, sezvavakachiva ivo.

7imi regai kunamata zvifananidzo, savamwe vavo; sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Vanhu vakagara pasi pakudya nokunwa, vakasimuka kuti vatambe.

8Zvino ngatirege kuita vupombwe, savamwe vavo vakaita vupombwe, vakafa nezuva rimwe venezvuru zvinamakumi maviri nezvitatu.

9Ngatirege kuidza Kristu, savamwe vavo vakamuidza, vakaparadzwa nenyoka.

10Murege kun’un’una savamwe vavo vakan’un’una, vakaparadzwa nomuparadzi.

11Zvino, zvinhu izvi zvose zvakavawira, kuti vave zviratidzo; zvakanyorwa kuti tinyeverwe isu, takasvikirwa nokuguma kwenyika.

12Naizvozvo, unoti ndinomira, ngaachenjere kuti arege kuwa.

13Hakunomuidzo wakakubatai imi, asi wavanhu vose; asi Mwari, wakatendeka, haangatenderi kuti muidzwe kupfuvura pamunogona napo; asi pamwe chete nomuidzo, iye uchakupai vo nzira yokubuda nayo, muve nesimba rokutsunga.

14Naizvozvo, vadikanwa vangu, tizai kunamata zvifananidzo.

15Ndinotaura sokunavakachenjera; fungai zvandinotaura.

16Mukombe wokuvonga watinovonga, hakuzi kusongana neropa raKristu here? Chingwa chatinomedura, hakuzi kusongana nomuviri waKristu here?

17Zvachiri chingwa chimwe chete, isu vazhinji tiri muviri mumwe; nokuti tinogovana tose pachingwa chimwe.

18Tarirai vaIsraeri panyama; avo vanodya zvibayiro havagovani nearitari here?

19Zvino ndotiyiko? Kuti chakabayirwa chifananidzo chinhu here? kana chifananidzo chinhu here?

20Kwete, asi ndinoti izvo zvinobayirwa navahedheni, havazvibayirwi Mwari, asi mweya yakaipa; zvino handidi kuti muyanane nemweya yakaipa.

21Hamunganwiri pamukombe waShe, napamukombe wemweya yakaipa; hamungadyiri patafura yaShe napatafura yemweya yakaipa.

22Ko tinoda kumutsa godo raShe here? Tinomukunda nesimba here?

23Ndakatenderwa zvinhu zvose; asi zvose hazvindibatsiri. Ndakatenderwa zvinhu zvose; asi zvose hazvisimbisi.

24Munhu ngaarege kuzvitsvakira zvake, asi zvomumwe.

25Idyai zvose zvinotengwa panotengeswa nyama, musingabvunzi chinhu nokuda kwehana;

26nokuti nyika ndeyaShe nokuzara kwayo.

27Kana mumwe wavasingatendi akakukokerai kuzodya, kana mukada kuenda, idyai zvose zvinoiswa pamberi penyu, musingabvunzi chinhu nokuda kwehana.

28Asi kana mumwe akati kwamuri: Ichi chakabayirwa zvifananidzo, regai kudya nokuda kwaiye wakakuratidzai, vuye nokuda kwehana;

29handirevi hana yako, asi yomumwe;nokuti kusununguka kwangu kunotongerweiko nehana yomumwe?

30Kana ini ndichidya ndichivonga, ndingagotukirweiko nokuda kwechinhu chandinovonga pamusoro pacho?

31Naizvozvo, kana muchidya, kana muchinwa, kana muchiita chinhu chipi nechipi, itai zvose kuti Mwari akudzwe.

32Regai kugumbusa kana vaJudha, kana vaGiriki, kana kereke yaMwari.

33Seni vo ndinofadza vanhu vose pazvinhu zvose, ndisingatsvaki zvingandibatsira ini, asi zvingabatsira vazhinji, kuti vaponeswe.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.