1 VaKorinde 9
1 Corinthians 9 · 27 verses
1Handizi wakasununguka here? Handizi muapostora here? Handina kuvona Jesu Kristu, Ishe wedu here? Imi hamuzi basa rangu munaShe here?
2Kana ndisati ndiri muapostora kuna vamwe, kunyange zvakadaro zvirokwazo ndiri muapostora kwamuri hangu; nokuti imi muri chisimbiso chovuapostora bwangu munaShe.
3Kuzvidavirira kwangu kunaivo vanonditonga ndikoku:
4Hatine simba rokudya nokunwa here?
5Hatine simba rokufamba nomukadzi iri hama, savamwe vaapostora navanun’una vaShe, naKefasi here?
6Ko ini ndoga naBharnabhasi hatine simba rokurega kubata basa here?
7Ndianiko ungandorwa achizviripira mubairo? Ndianiko unorima munda wemizambiringa, akasadya zvibereko zvawo? Ndianiko unofudza boka, akasadya mukaka weboka?
8Izvi ndinozvitaura nokutaura kwavanhu here?
9Nokuti pamurairo waMosesi pakanyorwa, pachiti: Usasunga muromo wenzombe inopura zviyo. Ko Mwari unehanya nenzombe here?
10Kana unoreva saizvozvo nokuda kwedu kwoga here? Zvirokwazvo, zvakanyorwa nokuda kwedu, nokuti unorima unofanira kurima netariro; nounopura, achitarira kuti uchagoverwa vo.
11Kana isu takakudzvarirai zvinhu zvomweya, chingava chinhu chikuru here kana tichicheka zvinhu zvenyu zvenyama?
12Kana vamwe vachipiwa simba pamusoro penyu, ko isu hatipiwi iro zvikuru here? Asi hatina kuzvibatira nesimba; asi tinotambudzika pazvose, kuti tirege kudzivisa Evhangeri yaKristu..
13Hamuzivi here kuti vanoshumira pazvinhu zvitsvene vanorarama nezvinhu zvetembere? Vuye kuti vanobata basa paaritari, vanogovana nearitari here?
14Saizvozvo vo Ishe wakaraira kuti vanoparidza Evhangeri, vararame neEvhangeri.
15Asi ini handina kuzvibatira nechimwe chezvinhu izvo. Handinyori izvi kuti ndiitirwe saizvozvo ini; nokuti zvirinani kuti ndife, pakuti mumwe akonese icho chandinozvirumbidza nacho.
16Nokuti kana ndichiparidza evhangeri, handina chandingazvirumbidza nacho, nokuti ndinoroveverwa; ndinenhamo, kana ndisingaparidzi Evhangeri.
17Nokuti kana ndichizviita ndichida ini, ndinomubairo; asi kana ndichizviita ndisingadi, ndakapiwa hangu vutariri.
18Zvino mubairo wangu ndoweiko? Ndiwo, kuti kana ndichiparidza Evhangeri, ndivigire vanhu Evhangeri yaKristu vasingaripi, kuti ndirege kuzvibatira pandaigona napo nesimba randinaro reEvhangeri.
19Nokuti kunyange ndakasununguka kunavose, ndakazviita muranda wavose, kuti ndiwane vazhinji kwazvo.
20KuvaJudha ndakava somuJudha, kuti ndiwane vaJudha; kunavari pasi pomurairo, ndakava somunhu uri pasi pomurairo, kunyange ndisati ndiri pasi pomurairo hangu, kuti ndiwane vari pasi pomurairo;
21kunavasinomurairo, ndakava somunhu usinomurairo, kunyange ndisati ndiri munhu usinomurairo waMwari, asi pasi pomurairo waKristu, kuti ndiwane vasinomurairo.
22Kuna vasinesimba ndakava sousinesimba, kuti ndiwane vasinesimba; ndakava zvose kuvanhu vose, kuti ndiponese vamwe nemitovo yose.
23Zvinhu zvose ndinozviita nokuda kweEvhangeri, kuti ndigoverwe iyo pamwe chete navamwe.
24Hamuzivi here kuti avo vanoita nhangemutange, vanomhanya vose, asi mumwe chete unopiwa mubairo? Mhanyai saizvozvo, kuti muwane.
25Mumwe nomumwe, unoshingaira pakutamba, unozvidzora pazvose. Zvino ivo vanozviita kuti vawane korona inovora, asi isu kuti tiwane isingavori.
26Zvino ini handirwi somunhu unorova mhepo;
27asi ndinorwadzisa muviri wangu, ndichiuita muranda; kuti zvimwe ini, ndamboparidzira vamwe, ndirege kuva wakarashwa ndimene.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.