1 VaKorinde 11
1 Corinthians 11 · 34 verses
1Ivai vateveri vangu, seni ndiri muteveri waKristu.
2Zvino, ndinokurumbidzai, nokuti munondirangarira pazvinhu zvose, muchichengeta tsika, sezvandakakupai idzo.
3Asi ndinoda kuti muzive kuti musoro womumwe nomumwe ndiye Kristu;vuye musoro womukadzi ndiye murume; vuye musoro waKristu ndiye Mwari.
4Murume mumwe nomumwe, unonyengetera kana kuporofita musoro wake wakafukidzwa, unoninipisa musoro wake.
5Asi mukadzi mumwe nomumwe, unonyengetera kana kuporofita musoro wake usina kufukidzwa, unoninipisa musoro wake; nokuti ndizvo zvimwe nokuvevurwa.
6Nokuti kana mukadzi asingafukidzwi, ngaachekerwe vhudzi rake vo; asi kana zvisingafaniri kuti mukadzi achekerwe vhudzi, kana avevurwe, ngaafukidzwe.
7Nokuti murume haafaniri kufukidza musoro, zvaari mufananidzo nokubwinya kwaMwari; asi mukadzi ndiye kubwinya kwomurume.
8Nokuti murume haabvi kumukadzi; asi mukadzi unobva kumurume;
9vuye murume haana kusikirwa mukadzi, asi mukadzi wakasikirwa murume;
10nokuda kweizvozvo mukadzi unofanira kuva nechiratidzo chesimba pamusoro wake, nokuda kwavatumwa.
11Kunyange zvakadaro munaShe mukadzi haazi kunze kwomurume,, nomurume haazi kunze kwomukadzi.
12Nokuti mukadzi sezvaanobva kumurume, nokudaro vo murume unoberekwa nomukadzi; asi zvose zvinobva kunaMwari.
13Tongai imi mumene: Zvakafanira kuti mukadzi anyengetere kunaMwari asina kufukidzwa here?
14Ko hamudzidziswi naiwo musikirwe wavanhu kuti kana murume anevhudzi refu, unonyadziswa nazvo here?
15Asi kana mukadzi anevhudzi refu, ndiko kubwinya kwake; nokuti wakapiwa vhudzi rake, chive chifukidzo.
16Zvino kana mumwe anenge achida kuita gakava, hatinetsika yakadaro isu, kunyange kereke dzaMwari.
17Zvino kana ndichikuvudzai izvi, handikurumbidziyi, nokuti hamuvunganiri zvinopfuvura nokunaka, asi zvakaipa.
18Nokuti shoko rokutanga, kana muchivungana mukereke, ndinonzwa kuti kupesana kuripo pakati penyu; pamwe ndinotenda kuti ndizvo.
19Nokuti dzidziso dzakatsauka dzinofanira kuva pakati penyu, kuti avo vakatendeka vavonekwe pakati penyu.
20Zvino kana muchivungana pamwe chete, hakuzi kuti mudye chirayiro chaShe;
21nokuti kana modya, mumwe nomumwe unotangira vamwe kudya chirayiro chake; mumwe unenzara, mumwe wakabatwa.
22Ko hamunedzimba kwamungadyira nokunwira here? Munozvidza kereke yaMwari, muchinyadzisa avo vasinechinhu here? Ndichaiteiko kwamuri? Ndingakurumbidzai here? Handingakurumbidziyi.
23Nokuti ini ndakagamuchira kunaShe icho chandakakupai vo, kuti Ishe Jesu novusiku bwaakapandukirwa, wakatora chingwa;
24akati avonga, akachimedura, akati: torai mudye. Ichi ndiwo muviri wangu unomedurirwa imi; itai izvi muchindirangarira.
25Saizvozvo vo, vakati vapedza kurayira, akatora mukombe, akati: Mukombe uyu ndiyo sungano itsva muropa rangu;itai izvi, nguva dzose kana muchinwa, muchindirangarira.
26Nokuti nguva dzose, kana muchidya chingwa ichi, kana kunwa mukombe uyu, munoparidza rufu rwaShe, kusvikira achivuya.
27Naizvozvo mumwe nomumwe unodya chingwa ichi, kana kunwa mukombe waShe, nomutovo usina kufanira, uchava nemhosva yomuviri neropa raShe.
28Zvino munhu ngaazviidze, kuti adye chingwa ichi achidaro, nokunwa mukombe uyu.
29Nokuti unodya nokunwa, nomutovo usina kufanira unozvidyira nokuzvimwira kurobwa zvaasinganatso nzwisisa muviri waShe.
30Nemhaka iyi vazhinji varipo pakati penyu vasinesimba, vanorwara; vazhinji vavete.
31Nokuti dai taizviidza isu timene, hatizairobwa.
32Zvino kana tichitongwa, tinorangwa naShe, kuti tirege kutongerwa kurohwa pamwe chete nenyika.
33Naizvozvo, hama dzangu, kana muchivunganira pakudya, miriranai.
34Kana munhu anenzara, ngaadye kumusha kwake; kuti murege kuvunganira kutongwa. Zvimwe zvakasara ndichazvigadzira kana ndichisvika.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.