1 VaKorinde 12
1 Corinthians 12 · 31 verses
1Zvino, kana zviri zvipo zvoMweya, hama dzangu, handidi kuti muve vasingazivi.
2Munoziva kuti panguva yamaiva vahedheni, makanga muchikweverwa kuzvifananidzo, zvisingagoni kutaura, sezvamaitungamirirwa.
3Saka ndinokuzivisai kuti hakunomunhu unotaura noMweya waMwari, ungati: Jesu ngaatukwe! Vuye, hakunomunhu ungati: Jesu ndiye Ishe, asi noMweya Mutsvene.
4Zvino marudzi mazhinji ezvipo aripo, asi Mweya ndomumwe.
5Marudzi mazhinji okushumira aripo, vuye Ishe mumwe.
6Marudzi mazhinji amabasa aripo, asi Mwari mumwe, iye unobata zvose munavose.
7Asi mumwe nomumwe unopiwa kuratidzwa kwoMweya, kuti vose vabatsirwe.
8Nokuti mumwe unopiwa noMweya shoko rovuchenjeri, mumwe shoko rokuziva noMweya iwoyu;
9mumwe, kutende muMweya iwoyu; mumwe iwoyu; mumwe zipo zokuporesa muMweya iwoyu;
10mumwe, kuita mabasa esimba; mumwe, kuporofita; mumwe, kuzivisisa mweya; mumwe, marudzi endimi; mumwe, kududzira ndimi;
11asi izvi zvose zvinoitwa noMweya iwoyu mumwe chete, unogovera mumwe nomumwe sezvaanoda.
12Nokuti somuviri uri mumwe, unemitezo mizhinji, nemitezo yose yomuviri, kunyange iri mizhinji, muviri ndomumwe chete; wakadaro vo Kristu.
13Nokuti muMweya mumwe isu tose takabhabhatidzirwa mumuviri mumwe; kana tiri vaJudha, kana vaGiraiki, kana varanda, kana vakasununguka; isu tose takanwiswa paMweya mumwe.
14Nokuti muviri hauzi mutezo mumwe, asi mizhinji.
15Kana rutsoka rukati: Zvandisati ndiri ruvoko, handizi womuviri; ko haruzi rwomuviri, zvarwadaro here?
16Nenzeve kana ikati: Zvandisati ndiri ziso, handizi womuviri; ko haizi yomuviri here?
17Kana muviri wose raiva ziso, kunzwa kwaivepiko? Kana wose kwaiva kunzwa, kunhuwidza kwaivepiko?
18Asi zvino Mwari wakaisa mutezo mumwe nomumwe pamuviri sezvaakada.
19Kana yose waiva mutezo mumwe, muviri waive piko?
20Asi zvino kune mitezo mizhinji, asi muviri mumwe.
21Ziso haringati kuruvoko: Handikudi; kana musoro vo kutsoka; Handikudiyi imi.
22Kwete, zvikuru mitezo iyo yomuviri inenge isinesimba, ndiyo inodikanwa;
23nemitezo iyo yomuviri yatinoti haikudzwi, ndiyo yatinokudza kwazvo; nemitezo iyo yedu isina kunaka, ndiyo yova nokunaka kunopfuvurisa;
24asi mitezo yedu yakanaka, haishaiwi kukudzwa. Asi Mwari wakabatanidza muviri wose, akakudza anokupfuvurisa mitezo inoshaiwa kunaka;
25kuti pamuviri parege kuva nokupesana; asi kuti mitezo ichengetane zvakaenzana.
26Kana mutezo mumwe uchitambudzika, mitezo yose inotambudzika pamwe chete nawo; kana mutezo mumwe uchikudzwa, mitezo yose inofara pamwe chete nawo.
27Zvino, imi muri muviri waKristu, nomumwe, nomumwe mitezo yawo.
28Mwari wakaisa vamwe pakereke, pakutanga vaapostora, rwechipiri vaporofita, rwechitatu vadzidzisi, tevere vaiti vamabasa esimba, tevere zvipo zvokuporesa, navabatsiri navabati, namarudzi mazhinji endimi.
29Vose vaapostora here? Vose vaporofita here? Vose vadzidzisi here? Vose vaiti vamabasa esimba here?
30Vose vanezvipo zvokuporesa here? Vose vanotaura nendimi here? Vose vanodudzira here?
31Asi shingairirai zvipo zvikuru. Ndinokuratidzai vo nzira yakaisvonaka inopfuvura dzose.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.