Bhaibheri

1 VaKorinde 13

1 Corinthians 13 · 13 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Kunyange ndikataura nendimi dzavanhu nedzavatumwa, ndisinorudo, ndava sendarira dzinorira, nedare rinongoti: Ngwere-ngwere!

2Kunyange ndinechipo chokuporofita, ndichinzwisisa zvakavanzika zvose, nokuziva kwose; kunyange ndinokutenda kwose, kuti ndibvise makomo, ndisinorudo, handizi chinhu.

3Kunyange ndagovera varombo zvose zvandinazvo, kunyange ndikaisa muviri wangu kuti ndipiswe, ndisinorudo, handibatsirwi chinhu.

4Rudo runomoyo murefu, runomoyo munyoro; rudo harunegodo; rudo harunamanyawi, haruzvikudzi;

5haruiti zvisingafaniri, haruzvitsvakiri zvarwo; harutsamwi, harunezvishura;

6harufariri zvisakarurama, asi runofarira zvokwadi;

7runofukidza zvose, runotenda zvose, runetariro pazvose, runotsungirira pazvose.

8Rudo harutongoperi; zvino kana kuri kuporofita, kuchapera; kana dziri ndimi, dzichaguma; kana kuri kuziva, kuchabviswa.

9Nokuti tinoziva zvisakakwana, tinoporofita zvisakakwana;

10asi kana zvakakwana zvasvika, izvo zvisakakwana zvichabiswa.

11Ini ndichiri mwana, ndaitaura somwana, ndaifunga somwana, ndairangarira somwana; zvino zvandava murume, ndabvisa zvinhu zvomwana.

12Nokuti zvino tinovona pachivoni-voni, tisingavoni kwazvo; asi nenguva iyo tichavona nezviso zvakatarisana; zvino ndinoziva zvisakakwana, asi nenguva iyo ndichaziva sezvandakazikanwa neni vo.

13Zvino kutenda, netariro, norudo, zvitatu izvi, ndizvo zvinogara; asi chikuru pakati pazvo ndirwo rudo.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.