1 VaKorinde 14
1 Corinthians 14 · 40 verses
1Teverai rudo, shingairirai zvipo zvoMweya, asi zvikuru kuti muprofite.
2Nokuti unotaura norumwe rurimi haatauri kuvanhu, asi kunaMwari; nokuti hakuna unomunzwa; asi noMweya unotaura zvakavanzika.
3Asi unoporofita, unotaura kuvanhu, kuti vasimbiswe nokurairwa, nokunyaradzwa.
4Unotaura norurimi, unozvisimbisa iye; asi unoporofita, unosimbisa kereke.
5Zvino ndinoda kuti imi mose mutaure nendimi, asi zvikuru kuti muprofite; unoporofita mukuru kunounotaura nendimi, asi kana achidudzira, kuti kereke isimbiswe.
6Asi zvino, hama dzangu, kana ndichivuya kwamuri, ndichitaura nendimi, ndingakubatsirai neiko, kana ndisingatauri nokuzarurirwa, kana nokuziva, kana nokuporofita, kana nokudzidzisa?
7Kunyange zvinhu zvisinovupenyu, zvinorira kana iri nyere, kana rudimbwa kana zvisingasiyani pakurira kwazvo, zvingazikanwa seiko chinoridzwa nenyere kana rudimbwa?
8Nokuti kana hwamanda isingariri kwazvo, ndianiko ungazvigadzira kundorwa?
9Zvakadaro vo nemi, kana musingatauri norurimi mashoko anonatso-zikanwa, zvinotaurwa zvichazikanwa seiko? Nokuti muchangotaura henyu mumhepo.
10Manzwi anamarudzi mazhinji panyika, hakunechinhu chisinenzwi racho.
11Zvino kana ndisingazivi kuti inzwi rinorevei, ini ndichava somunhu worumwe rurimi kuno unotaura, nounotaura uchava kwandiri somunhu worumwe rurimi.
12Saizvozvovo imi, zvamunoshingairira zvinhu zvoMweya, tsvakai zvikuru kuti musimbise kereke.
13Saka unotaura norumwe rurimi,ngaanyengetere kuti adudzirevo
14Nokuti kana ndichinyengetera norumwe rurimi,mweya wangu unonyengetera asi kufunga kwangu kunoshaiwa zvibereko.
15Zvino chinyiko? Ndichanyengetera nomweya wangu vuye ndichanyengetera nokufunga kwangu vo; ndichaimba nomweya wangu, vuye ndichaimba nokufunga kwangu vo.
16Kana zvisakadaro, kana iwe uchivonga nomweya, ko uyo ugere pachigaro chavasina kudzidza, uchati Ameni seiko pakuvonga kwako, zvaasingazivi chaunotaura iwe?
17Nokuti iwe unovonga hako zvakanaka, asi mumwe haasimbiswi.
18Ndinovonga Mwari, kuti ini ndinotaura nendimi zhinji kukunda imi mose;
19asi pakereke ndinoda zvikuru kutaura mashoko mashoma nokufunga kwangu, kuti ndidzidzise vamwe vo, pakutaura norumwe rurimi mashoko anezvuru zvinegumi.
20Hama dzangu, musava vana pakuziva, asi muve vacheche pazvakaipa, asi pakuziva muve vakuru.
21Pamurairo pakanyorwa, pachiti: Ndichataura kuvanhu ava, ndichireva navanhu vedzimwe ndimi nemimwe miromo; kunyange zvakadaro, havanganditereri ndizvo zvinoreva Ishe.
22Saka ndimi hadzizi chiratidzo kunavanotenda, asi kunavasingatendi; asi kunavanotenda.
23Naizvozvo, kana kereke yose yavungana, vose vakataura nendimi, vasinakudzidza kana vasina kutenda vakapinda, havati munopenga here?
24Asi kana vose vakaporofita, mumwe usingatendi kana usina kudzidza akapinda, uchatendiswa; navose, uchatongwa navose;
25nenzira iyi zvakavanzika zvomoyo wake zvinoratidzwa; naizvozvo uchawira pasi nechiso chake, achinamata Ishe, nokupupura kuti Mwari uri pakati penyu zvirokwazvo.
26Zvino tichatiyiko, hama dzangu? Kana muchivungana, mumwe nomumwe unepisarema, unechokudzidzisa, unechaakazarurirwa, unorumwe rurimi, unechokududzira. Ngazviitwe zvose, kuti musimbiswe.
27Kana mumwe achitaura norurimi, ngazviitwe navaviri, kana varege kupfuvura vatatu, vachiravana; nomumwe ngaadudzire.
28Asi kana pasina unodudzira, ngaanyarare mukereke; ngaazvitaurire iye, nokunaMwari.
29Vaporofita ngavataure vaviri, kana vatatu, navamwe ngavaidze.
30Zvino kana chimwe chinhu chikazarurirwa mumwe ugerepo, wokutanga ngaanyarare.
31Nokuti mungaporofita mose, muchiita mumwe-mumwe, kuti vose vadzidze, vose vanyaradzwe.
32Mweya yavaporofita inozviisa pasi pavaporofita;
33nokuti Mwari haazi Mwari wenyonganiso, asi worugare, sapakereke dzose dzavatsvene.
34Vanhukadzi venyu ngavanyarare mukereke; nokuti havatenderwi kutaura; asi vanorairwa kuti vazviise pasi, sezvinoreva vo murairo.
35Kana vachida kudzidza chinhu, ngavabvunze varume vavo kumusha; nokuti chinhu chinonyadzisa kuti vanhukadzi vataure mukereke.
36Ko shoko raMwari rakabva kwamuri here?
37Kana munhu achiti, ndiri muporofita, kana ndiri womweya, ngaatende kuti izvo zvandinokunyorerai, murairo waShe,
38Asi kana munhu asingazivi, ngaave usingazivi hake.
39Saka, hama dzangu, shingairirai kuporofita, musingadzivisi mumwe kutaura nendimi.
40Asi zinhu zvose ngazviitwe nomutovo wakafanira zvinemirairo yazvo.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.