1 VaKorinde 15
1 Corinthians 15 · 58 verses
1Zvino, hama dzangu, ndinokuzivisai Evhangeri yandakakuparidzirai, iyo yamagamuchira vo, neyamunomira vo mairi;
2iyo yamunoponeswa vo nayo, kana muchiibatisa nomutovo wandakaiparidza kwamuri, kana musina kutenda pasina.
3Nokuti pakutanga ndakakupai izvo zvandakagamuchira vo, kuti Kristu wakafira zvivi zvedu, sezvakanyorwa paMagwaro;
4vuye kuti wakavigwa, akamutswa nezuva retatu, sezvakanyorwa paMagwaro;
5akazviratidza kunaKefasi, ipapo kunavanegumi navaviri;
6ipapo akazviratidza kuhama dzinopfuvura mazana mashanu kamwe-vazhinji vavo vapenyu kusvikira zvino, asi vamwe vavata.
7Ipapo akazviratidza kunaJakobho; ipapo kunavaapostora vose.
8pakupedzisira akazviratidza kwandiri vo, sokunowakazvarwa nguva isati yasvika.
9Nokuti ini ndiri muduku kuvapostora vose, handifaniri kuti ndinzi muapostora, nokuti ndakatambudza kereke yaMwari.
10Asi nenyasha dzaMwari ndiri munhu wakadai zvino: nenyasha dzake kwandiri hadzina kuva pasina; asi ndakabata zvikuru kupfuvura vose; handizini, asi inyasha dzaMwari dzaiva neni.
11Naizvozvo, kana ndirini kana vari ivo, tinoparidza kudai, nemi makatenda kudai.
12Zvino kana Kristu achiparidzwa, kuti wakamutswa kuvakafa, vamwe pakati penyu vanoreva seiko, kuti hakuna kumuka kwavakafa?
13Zvino, dai pasina kumuka kwavakafa, naKristu ungadai asina kumutswa vo;
14vuye, dai Kristu asina kumutswa, kuparidza kwedu kungadai kuchiva pasina, nokutenda kwenyu kungadai kuchiva vo pasina.
15Nesu taiwanikwa tiri zvapupu zvaMwari zvenhema; nokuti takapupura kuti Mwari wakamutsa Kristu, iye waasina kumutsa, kana zviri izvo kuti vakafa havamutswi.
16Nokuti kana vakafa vasingamutswi, naKristu, haana kumutswa vo;
17kana Kristu asinakumutswa, kutenda kwenyu hakuna maturo; muchiri muzvivi zvenyu.
18Zvino naivo vakafa munaKristu vakarashika vo.
19Kana tinetariro kunaKristu pavupenyu bwuno bedzi, tinonzwisa vurombo kukunda vanhu vose.
20Nokuti zvino Kristu wakamutswa kuvakafa, akava chibereko chokutanga chavavata.
21Nokuti rufu zvarwakavuya nomunhu, kumuka kwavakafa kwakavuya nomunhu vo.
22Nokuti vose sezvavanofa munaAdhama, saizvozvo vo vose vachararamiswa munaKristu.
23Asi mumumwe nomumwe padzoro rake: Kristu chibereko chokutanga; tevere, avo vari vaKristu pakuvuya kwake.
24Ipapo kuguma kunosvika, panguva yaachazopa Mwari, Baba, vushe panguva yaachaparadza kubata kwose, novushe bwose, nesimba.
25Nokuti unofanira kubata vushe, kusvikira aisa vavengi vake vose pasi petsoka dzake.
26Muvengi wokupedzisira, uchaparadzwa, ndirworufu.
27Nokuti wakaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake. Zvino kana achiti: Zvose zvakaiswa pasi pake, zvinovonekwa pachena kuti iye, wakaisa zvose pasi pake, haana kuiswapo.
28Zvino kana zvose zvaiswa pasi pake, ipapo noMwanakomana vo amene uchaiswa pasi paiye wakaisa zvose pasi pake, kuti Mwari ave zvose kunavose.
29Kana zvisina kudaro, ko avo vanobhabhatidzwirwa vakafa, vachagoita seiko? Kana vakafa vasingatongomutswi, vakagobhabhatidzirweiko ivo vakafa?
30Nesu tiri panjodzi nguva dzose neiko?
31Ndinopika, hama dzangu, nokuzvirumbidza kwandinako pamusoro penyu munaKristu Jesu, Ishe wedu, kuti ndinofa zuva rimwe nerimwe.
32Kana ndakarwa nezvikara paEfeso somunhu zvaindibatsireiko? Kana vakafa vasingamutswi, ngatidye, ngatinwe, nokuti mangwana tinofa.
33Musanyengerwa; vushamwari bwakaipa bwunovodza tsika dzakanaka.
34Pengenukai kune zvakarurama, murege kutadza, nokuti vamwe havazivi Mwari; ndinotaura izvi kutimunyadziswe.
35Asi mumwe ungati: Vachavuya nomuviri wakaita sei?
36Iwe benzi, icho chaunodzwara hachimeri, kana chisingafi.
37Chaunodzwara, haudzwari muviri uchavapo, asi tsanga bedzi, kana yamapfunde, kana yezvimwe;
38asi Mwari unoipa muviri paanoda napo, nembeu imwe neimwe muviri wayo.
39Nyama yose haizi nyama imwe; asi imwe ndeyavanhu, imwe inyama yemhuka, imwe inyama yeshiri, imwe; ndeyehove.
40Kune miviri yokudenga, nemiviri yenyika; asi kubwinya kweyokudenga ndokumwe, nokwenyika ndokumwe.
41Kunokubwinya kwezuva, ndokumwe, nkubwinya kwomwedzi, ndokumwe kubwinya kwenyeredzi, ndokumwe nokuti imwe nyeredzi inosiyana neimwe pakubwinya.
42Ndizvo zvakaita vo kumuka kwavakafa. Muviri unodzvarwa pakuvora; unomutswa pakusavora;
43unodzwarwa pakuzvidzwa, unomutswa pakubwinya; unodzwarwa pavutera, unomutswa pasimba.
44Unodzwarwa uri muviri wokuberekwa, unomutswa uri muviri womweya. Muviri wokuberekwa uripo, nomuviri womweya uripo.
45Zvakanyorwa vo saizvozvo, zvichinzi: Munhu wokutanga, Adhama, wakaitwa munhu mupenyu; Adhama wokupedzisira wakaitwa mweya, unopa vupenyu.
46Asi zvomweya hazvizi zvokutanga, asi zvokuberekwa; tevere zvomweya.
47Munhu wokutanga ndowenyika, ivhu; munhu wechipiri ndiIshe akabva kudenga.
48Saiye wevhu, ndizvo zvakaita vo avo vevhu; saiye okudenga, ndizvo zvakaita vo ivo vokudenga.
49Vuye, sezvatakanga tinomufananidzo womunhu wevhu, tichava vo nomufananidzo waiye wokudenga.
50Zvino, hama dzangu, ndinoreva ndichiti, nyama neropa hazvingagari nhaka yovushe bwaMwari; nokuvora hakungagari nhaka yokusavora.
51Tarirai, ndinokuvudzai chakavanzika: Hatingavati tose, asi tichashandurwa tose;
52pakarepo, nokubwaira kweziso, nehwamanda yokupedzisira; nokuti hwamanda icharira, ipapo vakafa vachamutswa mukusavora; nesu tichashandurwa;
53nokuti ichi chinovora chinofanira kufuka kusavora; nechichi chinofa chinofanira kufuka kusafa.
54Zvino kana ichi chinovora chafuka kusavora; nechichi chinofa chafuka kusafa, ipapo shoko rakanyorwa richaitika, rinoti: Rufu rwakamedzwa mukukunda.
55Iwe rufu rumborera rwako ruripiko? Iwe bwiro kukunda kwako kuripiko?
56Rumborera gorufu chivi, nesimba rechivi murairo.
57Zvino Mwari ngaavongwe, unotipa kukunda munaKristu Jesu.
58Saka, hama dzangu dzinodikanwa, mirai makasimba, murege kuzununguswa, mubatire Ishe zvikuru nguva dzose muchiziva kuti kubata kwenyu hakungavi pasina munaShe.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.