Bhaibheri

1 VaKorinde 16

1 Corinthians 16 · 24 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino, kana zviri zvipo zakavunganidzirwa vatsvene, se zvandakaraira kereke dzeGaratia, itai nemi vo seizvozvo.

2Nomusi wokutanga wevhiki, mumwe nomumwe wenyu ngaakamure zvimwe kumba kwake, avunganidze, paakawana napo, kuti zvipo zvirege kuvunganidzwa, kana ndichisvika.

3Kana ndasvika, ndichatuma avo vamunotenda nemwadhi, vagondoisa zvipo zvenyu Jerusarema.

4Kana zvakafanira kuti ini ndiende vo, vangaenda neni.

5Zvino ndichavuya kwamuri, kana ndagura neMakedhonia; nokuti ndinogura neMakedhonia.

6Zvimwe ndichagara nemi, kunyange ndipedze chando, kuti mugondiperekedza pose pandinoenda.

7Nokuti handidi kukuvonai zvino ndiri parwendo; nokuti ndinoti ndichazogara nemi chinguva, kana Ishe achinditendera.

8Asi ndichagara paEfeso kusvikira paPentekosta.

9Nokuti ndazarurirwa mukova mukuru unebasa guru; navadzivisi vazhinji varipo.

10Zvino kana Timotio achisvika, chenjerai kuti agare nemi asingatyi; nokuti unobata basa raShe, sezvandinoita ini.

11Naizvozvo ngakurege kuva nomunhu unomuzvidza. Asi mumuperekedze norugare, kuti avuye kwandiri; nokuti ndakamutarira pamwe chete nehama.

12Zvino kana ari Aporo, hama yedu, ndakakumbira kwaari zvikuru, kuti avuye kwamuri pamwe chete nedzimwe hama; asi wakanga asingatongodi kuvuya zvino, uchavuya hake kana awana nguva yakanaka.

13Rindai, mirai nesimba pakutenda, itai savarume, musimbiswe.

14Zvose zvamunoita ngazviitwe norudo.

15Ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, munoziva mhuri yaStefana, kuti ndicho chibereko chokutanga paAkaya, vakazviisa kuti vashumire vatsvene

16Kuti nemi vo muzviise pasi pavakadaro, napasi pavose vanotibatsira navanobata.

17Ndinofara nokuvuya kwaStefana, naFortunato, naAkaiako; nokuti ivo vakandiitira zvamakanga musingagoni kuita imi.

18Nokuti vakazorodza mweya wangu nowenyu; naizvozvo kudzai vakadaro.

19Kereke dzapaAsia dzinokukwazisai. Akwira naPrisira vanokukwazisai zvikuru munaShe, pamwe chete nekereke iri mumba mavo.

20Hama dzose dzinokukwazisai. Kwazisanai nokusveta kutsvene.

21Ndiko kukwazisa kwangu, ini Pauro, noruvoko rwangu.

22Kana munhu asingadi Ishe Jesu Kristu, ngaave wakatukwa. Ishe unovuya!

23Nyasha dzaShe Jesu Kristu ngadzive nemi.

24Rudo rwangu ngaruve nemi mose munaKristu Jesu. Ameni.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.