Bhaibheri

2 VaKorinde 1

2 Corinthians 1 · 24 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Pauro, muapostora waKristu Jesu, nokuda kwaMwari, naTimotio, hama yedu kukereke yaMwari iri paKorinte, pamwe chete navatsvene vose vari paAkaya yose:

2Nyasha ngadzive nemi, norugare runobva kunaMwari, Baba vedu, naShe Jesu Kristu.

3Mwari ngaavongwe, ivo Baba vaShe wedu Jesu Kristu, Baba vengoni, Mwari wokunyaradza kwose;

4iye unotinyaradza pakutambudzika kwedu kwose, kuti isu tive nesimba rokunyaradza vari mukutambudzika kupi nokupi, nokunyaradzwa kwatinonyaradzwa nako naMwari.

5Nokuti madambudziko aKristu se zvaakava mazhinji kwatiri, saizvozvo vo kunyaradzwa kwedu kwakava kuzhinji naKristu.

6Zvino kana tichitambudzika hedu isu, zvinoitwa nokuda kwokunyaradzwa nokuponeswa kwenyu; kana tichinyaradzwa isu, zvinoitwa nokuda kwokunyaradzwa kwenyu, kunokusimbisai kutsungirira pamadambudziko iwayo atinotambudzika vo nawo.

7Tariro yedu pamusoro penyu yakasimba, nokuti tinoziva kuti sezvamunosongana nesu pamadambudziko, saizvozvo vo pakunyaradzwa.

8Nokuti hatidi, hama dzangu, kuti murege kuziva kutambudzika kwakatiwira paAsia, kuti takaremerwa kwazvo-kwazvo kukunda simba redu, nokudaro takarasha moyo tichiti hatingararami;

9asi pamoyo pedu isu takanga tatozvitongera rufu, kuti tirege kuvimba nesimba redu, asi naMwari unomutsa vakafa;

10iye wakatisunungura parufu rukuru rwakadai, vuye uchatisunungura; Iye watinovimba kuti unotisunungura;

11nemivo muchibatsirana pakutikumbirira kwenyu, kuti vanhu vazhinji vavonge pamusoro pedu nokuda kwechipo chedu chenyasha chatakapiwa nokunyengetera kwavazhinji.

12Nokuti kuzvirumbidza kwedu ndikoku: Kupupura kwehana yedu, kuti takafamba panyika, zvikuru kwamuri, novutsvene nezvokwadi yaMwari, tisingafambi novuchenjeri bwenyama, asi nenyasha dzaMwari.

13Nokuti hatikunyoreriyi zvimwe zvinhu, asi izvo zvamunorava nezvamunotenda; ndinoti dai muchizvitenda kusvikira pakuguma;

14sezvamakatitendavo panezvimwe, kuti isu tiri kurumbidzwa kwenyu, semivo muchava kurumbidzwa kwedu nezuva raShe Jesu.

15Ndichiziva izvozvi, ndakanga ndichida kutanga kuvuya kwamuri, kuti mukomborerwe rwechipiri;

16ndipfuvure nokwenyu ndichienda Makedhonia, nokuvuya nokwenyu zve, ndichibva Makedhonia, ndiperekedzwe nemi ndichienda Judhea.

17Zvino zvandakanga ndichida kuita izvozvo, ndakaita nokushanduka moyo here? Kana, zvandinoda kuita ndinozvida nenyama here, kuti ini pamwe nditi: Hongu, hongu, pamwe: Kwete, kwete?

18NaMwari wakatendeka, shoko redu kwamuri harizi hongu nakwete.

19Nokuti Mwanakomana waMwari, Jesu Kristu, uyo wakaparidzwa pakati penyu nesu neni naSirivhano naTimotio wakanga asiri hongu nakwete, asi wakanga ari hongu maari.

20Nokuti zvipikirwa zvaMwari kunyange zviri zvizhinji sei, maari ndihongu; naizvozvo naiye vo ndiAmeni, kuti Mwari akudzwe nesu.

21Zvino, uyo unotisimbisa munaKristu pamwe chete nemi, nokutizodza, ndiMwari;

22uyo wakatiisira vo chisimbiso, akatipa rubatso rwoMweya mumoyo medu.

23Asi ndinodana Mwari, ave chapupu pamoyo wangu, kuti handina kuzovuya Korinte, nokuti ndakakunzwirai tsitsi.

24Hatiiti simba nokutenda kwenyu, asi tinokubatsirai kuti mufare; nokuti mumire nokutenda.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.