Bhaibheri

1 VaKorinde 8

1 Corinthians 8 · 13 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino, pamusoro pezvakabayirwa zvifananidzo, tinoziva kuti tose tinako kuziva. Kuziva kunovuyisa kuzvikudza, asi rudo runosimbisa.

2Kana munhu achiti, ndinoziva chinhu, ugere kutongoziva sezvaakafanira kuziva.

3Asi kana munhu achida Mwari, iye unozikanwa naye.

4Zvino kana kuri kudya zvinhu zvakabayirwa zvifananidzo, tinoziva kuti chifananidzo hachizi chinhu panyika, vuye kuti hakunaMwari, asi iye mumwe chete.

5Nokuti kunyange varipo vanonzi vamwari, kana kudenga kana panyika; se zvavaripo vamwari vazhinji, namadzishe mazhinji;

6asi isu tinongova naMwari mumwe bedzi, ndivo Baba; zvinhu zvose zvinobva kwaari, nesu tiri,po nokuda kwake; vuye Ishe mumwe, Jesu Kristu;zvinhu zvose zviripo naye, nesu tiripo naye.

7Asi vose havana kuziva ikoko; nokuti vamwe, vakarovera chifananidzo kusvikira zvino, vanodya vachiti zvakabayirwa zvifananidzo; hana yavo zvaisinesimba, inoshatiswa.

8Zvino zvokudya hazvingatisvitsi kunaMwari; nokuti kana tisingadyi, hatiipiswi; kana tichidya, hatinatswi.

9Asi chenjerai, kuti simba renyu iri rirege kuva chigumbuso kunavasinesimba.

10Nokuti kana mumwe achikuvona iwe, unako kuziva, ugere pakudya mutembere yechifananidzo, ko hana yaiyeye usinesimba haingatsungiswi, kuti adye izvo zvakabayirwa zvifananidzo here?

11Nokuti nokuziva kwako uyo usinesimba unoparadzwa, iri hama yakafirwa vo naKrsitu.

12Zvino kana muchitadzira hama saizvozvo, muchirwadzisa hana yavo isinesimba, munotadzira Kristu.

13Saka kana zvokudya zvichigumbusa hama yangu, handingatongodyi nyama nokusingaperi, kuti ndirege kugumbusa hama yangu.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.