1 VaTesaronika 1
1 Thessalonians 1 · 10 verses
1Pauro, naSivhano, naTimotio, kukereke yavaTesaronika, iri munaMwari, Baba, naShe Jesu Kristu: Nyasha ngadzive nemi norugare zvinobva kuna Mwari baba vedu naShe Jesu Kristu.
2Tinovonga Mwari nguva dzose nokuda kwenyu mose, tichikurangarirai pakunyengetera kwedu;
3tichiramba tichirangarira basa renyu rinobva pakutenda, nokutamburira vamwe kunobva parudo, nokutsungirira kunobva patariro munaShe wedu, Jesu Kristu, pamberi paMwari, Baba vedu;
4tinoziva, hama dzinodikanwa naMwari, kusanangurwa kwenyu.
5Nokuti Evhangeri yedu haina kuvuya kwamuri neshoko bedzi, asi nesimba vo, noMweya Mutsvene, nokuziva kwazvo; sezvamunoziva kuti takanga takadini pakati penyu nokuda kwenyu.
6Nemi makava vateveri vedu navaShe, zvamakagamuchira Shoko mumadambudziko mazhinji, nomufaro woMweya Mutsvene;
7naizvozvo makatungamirira vose vanotenda muMakedhonia neAkaya.
8Nokuti shoko raShe, rakabva kwamuri, rakanzwika, kusati kuri kuMakedhonia neAkaya bedzi, asi kutenda kwenyu kunaMwari kwakasvika kwose; naizvozvo hatifaniri kutaura chinhu.
9Nokuti ivo vamene vanoparidza kupinda kwedu kwamuri, kuti kwakanga kwakadini; vuye, kuti makatendevukira kunaMwari, muchibva pazvifananidzo, kuti mubatire Mwari mupenyu wazvokwadi,
10nokumirira Mwanakomana wake pakubva kwake kudenga, iye wakamutswa kuvakafa, ndiye Jesu unotisunungura pakutsamwa kunovuya.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.