1 VaTesaronika 2
1 Thessalonians 2 · 20 verses
1Nokuti Nemi, hama dzangu, munoziva kuti kupinda kwedu kwamuri hakuna kuva pasina.
2Asi kunyange takatambudzika nokuitirwa zvakaipa paFiripi, sezvamunoziva, takatsunga munaMwari wedu, tikakuparidzirai Evhangeri yaMwari pakati pokudziviswa kukuru.
3Nokuti kuraira kwedu hakuna kubva pakurashika, kana pakufunga kwakaipa, kana pakunyengera;
4asi sezvatakatendiwa naMwari, kuti tipiwe Evhangeri, ndizvo zvatinotaura; tisingaiti kuti tifadze vanhu, asi Mwari unoidza moyo yedu.
5Nokuti, sezvamunoziva, hatina kutongoreva namashoko okubata kumeso, kana namano-mano okukarira fuma, Mwari chapupu;
6tisingatsvaki kukudzwa navanhu kana nemi, kana navamwe, kunyange taigona kukuremedzai, zvatiri vaapostora vaKristu.
7Asi takanga tiri vanyoro pakati penyu, somureri kana achivaraidza vana vake;
8saizvozvo takakushuvai kwazvo, tikati zvakanaka kuti tirege kugovana nemi Evhangeri yaMwari bedzi, asi kunyange nemweya yedu vo, nokuti makanga madikanwa nesu kwazvo.
9Nokuti, hama dzangu, munorangarira kutambudzika nokurwa kwedu; taibata vusiku namasikati, kuti tirege kuremedza mumwe wenyu, tikakuparidzirai Evhangeri yaMwari.
10Imi muri zvapupu, naMwari vo, kuti taifamba novutsvene nokururama, tisina chatingapomerwa kwamuri, imi vanotenda.
11Sezvamunoziva, kuti takaita nemi, mumwe nomumwe wenyu, sababa vanoita navana vavo,
12tichikurairai, tichikusimbisai, tichikupupurirai, kuti mufambe zvakafanira Mwari, iye unokudanirai kuvushe bwake nokubwinya kwake.
13Saka isu vo tinoramba tichivonga Mwari, kuti panguva yamakagamuchira shoko, iro shoko raMwari, ramakanzwa kwatiri, hamuna kurigamuchira seshoko ravanhu, asi seshoko raMwari, (riri iro zvirokwazvo) rinobata vo mukati menyu, imi munotenda.
14Nokuti imi, hama dzangu, makava vateveri vekereke dzaMwari dziri muJudhiya munaKristu Jesu; nokuti nemi vo makatambudzwa saizvozvo novokwenyu, sezvavakatambudzwa ivo navaJudha,
15Ndivo vakavuraya Ishe Jesu navaporofita, vakatidzinga isu, vasingafadzi Mwari, vachirwa navanhu vose.
16vanotidzivisa kuti tirege kuparidzira vahedheni, kuti vaponeswe; kuti varambe vachizadzisa zvivi zvavo; asi kutsamwa kwakaburukira pamusoro pavo kusvikira pakuguma.
17Zvino isu, hama dzangu, zvatakaparadzaniswa nemi chinguva chiduku pamuviri, pasati pari pamoyo, takashingairira zvikuru nokushuva kukuru kuti tivonane nemi pachiso;
18naizvozvo taida kuvuya kwamuri, ini Pauro, kamwe vuye zve rwechipiri, asi Satani wakatidzivisa.
19Nokuti tariro yedu ndeipiko, kana mufaro, kana korona yokuzvirumbidza nayo? Hamuzimi here, pamberi paShe wedu Jesu Kristu pakuvuya kwake?
20Nokuti imi muri kubwinya kwedu nomufaro wedu.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.