VaKorose 4
Colossians 4 · 18 verses
1Madzishe, itirai varanda venyu zvakarurama, zvakaringana; muzive kuti nemi vo munaShe kudenga.
2Tsungirirai pakunyengetera, murinde pakuri nokuvonga;
3mutinyengeterere nesu vo, kuti Mwari atizarurire mukova weshoko, titaure chakavanzika chaKristu, chandakasungirwa icho;
4kuti ndichiratidze, sezvandinofanira kutaura.
5Fambai nokuchenjera kunavari kunze, muchingwarira nguva. yenyu
6Kutaura kwenyu ngakuve nenyasha nguva dzose, kwakarungwa nomunyu, kuti muzive kupindura mumwe nomumwe sezvamunofanira kuita.
7Muchaziviswa zvangu zvose naTikiko, hama inodikanwa, mushumiri wakatendeka, nomuranda pamwe chete neni munaShe.
8Ndakamutuma iye kwamuri nemhaka iyi, kuti muzive zvedu, anyaradze moyo yenyu;
9pamwe chete naOnesimo, hama yakatendeka, inodikanwa, mumwe wokwenyu. Ivo vachakuzivisai zvose zvapano.
10Aristarko, musungwa pamwe chete neni, unokukwazisai, naMarko, hama yaBharnabhasi, (makarairwa pamsoro pake; kana achisvika, mumugamuchirei);
11naJesu, unonzi Justo, vari vokudzingiswa; ndivava bedzi vanobata neni pavushe bwaMwari, ivo vakandinyaradza.
12Epafrasi, mumwe wokwenyu, muranda waKristu Jesu, unokukwazisai, achirwa nguva dzose pakunyengetera nokuda kwenyu, kuti mumire makakwana, muchiziva kwazvo kuda kwose kwaMwari.
13Nokuti ndinomupupurira, kuti unotambudzika zvikuru nokuda kwenyu, naveRaodikia, naveHirapori.
14Ruka, chiremba unodikanwa, naDhemasi, vanokukwazisai.
15Ndikwazisirei hama dziri Raodikia, naNimfa, nekereke iri mumba mavo.
16Kana mwadhi iyi yarabwa pakati penyu, ngairabwe vo mukereke yavaRaodikia; imi vo murave mwadhi inobva Raodikia.
17Vudzai Arkipo, muti: Tarira basa rawakapiwa naShe, kuti uripedzise kwazvo.
18Ndiko kukwazisa kwangu, ini Pauro, noruvoko rwangu. Rangarirai kusungwa kwangu. Nyasha ngadzive nemi.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.