Bhaibheri

1 VaTesaronika 3

1 Thessalonians 3 · 13 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Saka zvatakanga tisingagoni kutsunga, takati zvakanaka kuti tisiyiwe tiri toga paAtene;

2tikatuma Timotio, hama yedu, mushumiri waMwari paEvhangeri yaKristu, kuti akusimbisei, nokukutsungisai moyo pakutenda kwenyu;

3kuti kurege kuva nomunhu unozununguswa nenhamo idzi, nokuti munoziva mumene kuti takagadzirirwa izvozvo.

4Nokuti tichiri kwamuri takambokuvudzai kuti tichatambudzwa; sezvazvakaitika, nemi munoziva.

5Saka ini vo, zvandakanga ndisichagoni kutsunga, ndakamutuma kuti ndizive kutenda kwenyu, ndichiti zvimwe muidzi wakakuidzai, izvo zvatakabata zvikava pasina.

6Asi zvino Timotio wakati asvika kwatiri achangobva kwamuri, akativudza mashoko akanaka okutenda kwenyu norudo rwenyu, vuye kuti munongositifunga nomurangariro wakanaka, muchida zvikuru kutivona isu, sesu vo tichida kukuvonai imi;

7saka, hama dzangu, takanyaradzwa pamusoro penyu pakutambudzika kwedu kwose nenhamo nokutenda kwenyu;

8nokuti zvino isu tinorarama, kana imi mumire makasimba munaShe.

9Nokuti tingavonga Mwari neiko pamusoro penyu nomufaro wose watinofara nawo pamberi paMwari wedu nokuda kwenyu,

10tichingokumbira zvikuru vusiku namasikati kuti tivone chiso chenyu, kuti tizadzise zvakataira pakutenda kwenyu?

11Zvino iye Mwari, Baba vedu naShe wedu Jesu, ngaaruramisire nzira yedu kwamuri;

12ishe akukurisei, akuwanzirei rudo pakati penyu nokunavose, sezvatinoita isu kwamuri,

13asimbise moyo yenyu kuti ive isina chaingapomerwa pavutsvene pamberi paMwari, Baba vedu, pakuvuya kwaShe wedu Jesu pamwe chete navatsvene vake vose.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.