3 Johani 1
3 John 1 · 14 verses
1Mukuru kunaGayo, mudikanwa, wandinoda nezvokwadi.
2Mudikanwa, ndinoshuva pamusoro pezvinhu zvose, kuti ubudirire,uve wakasimba, somweya wako uchibudirira.
3Nokuti ndakafara zvikuru hama dzichisvika dzichipupurira zvokwadi yako, dzichiti, unofamba muzvokwadi.
4Handinomufaro unopfuvura uyu, wokuti ndinzwe kuti vana vangu vanofamba muzvokwadi.
5Mudikanwa, unobate-basa rakatendeka pazvinhu zvose zvaunoitira hama navaeni vo;
6vakapupurira rudo rwako pamberi pekereke; uchaita zvakanaka kana uchivaperekedza nomutovo wakafanira Mwari.
7Nokuti vakabuda nokuda kweZita rake, vasingatori chinhu kuvahedheni.
8Naizvozvo isu tinofanira kugamuchira zvakanaka vakadaro, kuti tibatsirane pazvokwadi.
9Ndakanyorera kereke; asi Diotrefe, unoda kuva mukuru pakati pavo, unotiramba isu.
10Naizvozvo kana ndichivuya, ndicharangarira mabasa ake aanoita, kuti unotiitira makuhwa namashoko akaipa; vuye, haatendi naizvozvo bedzi, iye amene haagamuchiri hama, vuye vakanga vachida havo unovadzivisa nokuvadzinga mukereke.
11Mudikanwa, usatevera chakaipa, asi chakanaka. Uyo, unoita zvakanaka, ndowaMwari; unoita zvakaipa, haana kuvona Mwari.
12Demetrio unopupurirwa navanhu vose, vuye nezvokwadi imene; nesu tinopupura vo, iwe unoziva kuti kupupura kwedu ndokwazvokwadi.
13Ndakanga ndinezvizhinji zvandaida kukunyorera, asi handidi kukunyorera neingi nepeni;
14asi ndinotarira kuti ndichakurumidza kukuvona, tigotaurirana nomuromo. Rugare ngaruve newe. Hama dzinokukwazisa. Ndikwazisire hama, mumwe nomumwe nezita rake,
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.