2 Petro 2
2 Peter 2 · 22 verses
1Asi kwakanga kunavaporofita venhema pakati pavanhu, sezvavachavapo pakati penyu vo vadzidzisi venhema, vachapinza pakavanda dzidziso dzakatsauka dzinoparadza, vachiramba naiye Tenzi wakavatenga, vachizviwisira kuparadzwa kunokurumidza.
2Vazhinji vachatevera vutere bwavo; nokuda kwavo nzira yezvokwadi ichazvidzwa.
3pakukarira kwavo mari vachakunyengerai namashoko amano-mano; kutongwa kwavo, kwakatarwa kare, hakunonoki, nokuparadzwa kwavo hakukotsiri.
4Nokuti kana Mwari asina kurega vatumwa vakatadza, asi wakavakandira muTartaro nokuvaisa kumakomba erima, kuti vachengeterwe kutongwa;
5akasarega vo nyika yekare, asi wakaponesa Noa muparidzi wokururama pamwe chete navamwe vanomwe, nguva yaakavuyisa mvura zhinji panyika yavanhu vakanga vasingadi Mwari;
6akashandura maguta eSodhoma neGomora akaaita madota, akaatongera kuti aparadzwe, akaaita chive chiratidzo kunaivo vachagara vasingadi Mwari;
7akasunungura Roti, wakanga akarurama, wakazvidya moyo nokuda kwomufambiro wakasviba wavakashata.
8(nokuti munhu uyu wakarurama, agere pakati pavo achivona nokunzwa, wakarwadzisa mweya wake wakarurama zuva rimwe nerimwe namabasa avo akanga asina kururama).
9Ishe unoziva kusunungura pamiidzo vanonamata Mwari, nokuchengeta vasakarurama vave pakurobwa kusvikira pazuva rokutongwa;
10zvikuru ivo vanofamba nomutovo wenyama pakuchiva kunosvibisa nokuzvidza vakuru; vanotsunga, vachiita nokuda kwavo, asingatyi kutuka avo vanokubwinya;
11vatumwa, kunyange vanovapfuvura nesimba novukuru, havavuyi pamberi paShe nemhosva yokuvapomera nayo.
12Asi ava zvavanotuka zvavasingazivi, vakaita semhuka dzisinomurangariro, dzakaberekwa kuti dzibatwe, dziparadzwe, naivo vachaparadzwa pakuvora kwavo,
13vachiitirwa zvisakarurama, uri mubairo wokusarurama kwavo; savaya vanoti, mafaro kuita zvakaipa masikati, ivo makwapa namavara, vanofara nokunyengera kwavo kana vachidya nemi;
14vanameso azere novupombwe, asingaregi kutadza; vanonyengera vanhu vasinesimba; vanomoyo wakadzidziswa kuchiva; ivo vana vokutukwa;
15vakasiya nzira yakarurama, vakatsauka, vakatevera nzira yaBharami, mwanakomana waBheori, wakada mubairo wokusarurama;
16asi wakarairwa pamusoro pokudarika kwake, nokuti mbongoro, isingagoni kutaura, yakataura nenzwi romunhu, ikadzivisa kupenga kwomuporofita.
17Ivava matsime asinemvura, mhute inodzingwa nemhepo; ivo vakachengeterwa kusviba kwerima nokusingaperi peri.
18Nokuti nokutaura kwavo mashoko mazhinji okuzvikudza asinamaturo, vanonyengera pakuchiva kwenyama novutere, avo vachangotiza vachibva kunavanogara pakutsauka;
19vachivapikira kusunungurwa, nyamba ivo vamene varanda vokuvora; nokuti waakundwa naye, munhu unoitwa muranda wake.
20Nokuti ivo, kana nenzira yokuziva Ishe, Muponesi Jesu Kristu, vambotiza havo zvinosvibisa zvenyika, kana vakabatwa nokukundwa zve nazvo, kuguma kwavo kwaipa kupfuvura kutanga kwavo.
21Nokuti zvaiva nani kwavari kana vasaiziva nzira yokururama, pakuti vadzoke pamurairo mutsvene wavakapiwa, wavakanga vambouziva havo.
22Zvinorebwa neshumo yazvokwadi ndizvo zvakaitwa kwavari, zvinoti: Imbwa yakadzokera kumarutsi ayo, nenguruve yakanga yashambidzwa, kukuvumburuka mumatope.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.