2 Timoti 2
2 Timothy 2 · 26 verses
1Naizvozvo iwe, mwana wangu, iva nesimba munyasha dziri munaKristu Jesu.
2Izvo zvawakanzwa kwandiri pamberi pezvapupu zvizhinji, uzvipe vanhu vakatendeka, vanogona vo kudzidzisa vamwe.
3Utambudzike pamwe chete neni, somurwi wakanaka waKristu Jesu.
4Hakunomunhu unorwa papfumo unozvipinganidza namabasa ovupenyu bwuno, kuti agone kufadza uyo wakakokera kuhondo.
5Nomunhu vo kana achivivana navamwe, haashongedzwi korona, kana asina kuvivana sezvakarairwa.
6Murimi unobate-basa ndiye unofanira kutanga kudya zvibereko.
7Funga zvandinoreva, nokuti Ishe uchakupa kunzwisisa pazvinhu zvose.
8Rangarira Jesu Kristu wakamuka kuvakafa, worudzi rwaDhavhidhi, sezvandinoparidza paEvhangeri yangu;
9yandinotambudzikira kusvikira pakusungwa somunyangadzi; asi shoko raMwari harina kusungwa.
10Saka ndinotsungirira pazvinhu zvose nokuda kwavakasanangurwa, kuti naivo vawane kuponeswa kuri munaKristu Jesu, pamwe chete nokubwinya kusingaperi.
11Ishoko razvokwadi; nokuti kana tikafa pamwe chete naye, tichararama vo pamwe chete naye.
12Kana tikatsungirira, tichabata vushe pamwe chete naye; kana tikamuramba, iye uchatiramba vo.
13Kana isu tisakatendeka, iye unoramba akatendeka, nokuti haangazvirambi iye.
14Uvayevudzire zvinhu izvi, uvaraire pamberi paMwari, kuti varege kuita nharo dzisinamaturo, zvinongoparadza vanonzwa.
15Shingaira kuti uzviratidze pamberi paMwari uri munhu wakatendeka, mubati usingafaniri hake kunyadziswa, unonatsa kururamisa shoko razvokwadi.
16Nzvenga kutaura kusinehanya naMwari; nokuti vacharamba vachingonyanya pakusanamata Mwari,
17neshoko ravo richanyenga seronda; pakati pavo kunaHimenayo naFireto;
18ivo vakarashika pazvokwadi, vachiti, kumuka kwavakafa kwatopfuvura, vachikanganisa kutenda kwavamwe.
19Kunyange zvakadaro, nheyo dzakasimba dzaMwari dzinomira, dzinechisimbiso ichi: Ishe unoziva vanhu vake; vuye: Mumwe nomumwe unoreva zita raShe ngaabve pakusarurama.
20Zvino muimba huru hamuna midziyo yendarama neyesirvheri bedzi, asi mimwe yamatanda vo, neyevhu; mimwe inokudzwa, mimwe isingakudzwi.
21Naizvozvo kana munhu achizvinatsa kwazvo pazvinhu izvi, uchava mudziyo unokudzwa, wakaitwa mutsvene, wakakwanira basa raTenzi, wakagadzirirwa mabasa ose akanaka.
22Asi tiza kuchiva kwovujaya, uvinge kururama, nokutenda, norudo, norugare, pamwe chete navanodana kunaShe nomoyo wakachena.
23Asi urambe mibvunzo yovupenzi nokusaziva, uchiziva kuti zvinobereka kukakavara.
24Zvino muranda waShe haafaniri kukakavara, asi ave munyoro kuvanhu vose, unoziva kudzidzisa, unotsungirira pakuitirwa zvakaipa,
25unodzidzisa novunyoro avo vanomudzivisa, kuti zvimwe Mwari avape kutendevuka vagoziva zvokwadi,
26vapengenuke zve, vabve pamusungo waDhiabhorosi, wavakanga vakabatwa naye kuti vaite kuda kwake.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.