2 Timoti 3
2 Timothy 3 · 17 verses
1Zvino uzive chinhu ichi, kuti namazuva okupedzisira nguva dzokutambudzika dzichasvika.
2Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vanotuka, vasingateereri vabereki, vasingavongi, vasati vari vatsvene,
3vasinorudo chairwo, vasingadi kuyanana, vanochera vamwe, vasingazvidzori, vanehasha, vasingadi zvinhu zvakanaka,
4vanonyengera, vasingarangariri, vanoita manyawi, vanoda zvinofadza zvenyika kupfuvura Mwari;
5vanomufananidzo bedzi wokunamata Mwari, asi vakarasha simba rako; ufuratire vanhu ivava vo.
6Nokuti pakati pavo varipo vanopinda mudzimba vachiverevedza, vachitapa zvikadzi zvakaremedzwa nezvivi, zvinokwebwa nokuchiva kuzhinji,
7zvinongogara zvichidzidza, asi hazvitongogoni kusvika pakuziva zvokwadi.
8Jane naJambre sezvavakadzivisa Mosesi, saizvozvo ivo vanodzivisa zvokwadi, vari vanhu vanendangariro dzakavodzwa, vakarashika pakutenda.
9Asi havachapfuvuriri mberi, nokuti vupenzi bwavo bwuchavonekwa navose, sezvakazoita bwavo.
10Asi iwe wakatevera kudzidzisa kwangu, nomufambire, nokufunga, nokutenda, nomoyo murefu, norudo, nokutsungirira,
11namadambudziko, nenhamo, izvo zvakandiwira paAntiokia, napaIkonio, napaRistra; madambudziko makuru sei andakanzwa pazvinhu izvozvo zvose Ishe wakandisunungura.
12Zvino, navose vanoda kunamata Mwari munaKristu Jesu vachatambudzwa.
13Asi vanhu vakaipa navanyengeri va chanyanyisa pakuipa, vachitsausa vamwe nokutsauswa ivo.
14Asi iwe, rambira panezvawakadzidza zvikasimbiswa kwauri, uzive kuti wakazvidzidza kunani,
15kuti kubvira pavucheche bwako wakaziva Manyoro Matsvene anogona kukupa vuchenjeri bwunoisa kukuponeswa nokutenda kuri munaKristu Jesu.
16Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari, runobatsira pakudzidzisa, nokuraira, nokururamisa, nokuranga kuri mukururama,
17kuti munhu waMwari akwane, agadzirirwa kwazvo mabasa ose akanaka.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.