2 Timoti 4
2 Timothy 4 · 22 verses
1Ndinokupupurira kwazvo naizvozvo pamberi paMwari, naShe Jesu Kristu, iye uchatonga vapenyu navakafa pakuvonekwa kwake novushe bwake;
2paridza shoko; ramba uchidaro nenguva yakafanira, kunyange isakafanira; raira, tuka, ranga nomoyo murefu zvikuru nokudzidzisa.
3Nokuti nguva ichasvika yavacharamba kutendera dzidziso yakarurama, asi, vachida kufadzwa panzeve dzavo, vachizvivunganidzira vadzidzisi pakuchiva kwavo,
4vachifuratidza nzeve dzavo pazvokwadi, vachitsaukira kungano.
5Asi iwe svinura pazvinhu zvose, tambudzika, bata basa romuevhangeri, upedzise basa rako kwazvo.
6Nokuti ini ndotodururwa, nguva yokuenda kwangu yasvika.
7Ndarwa kurwa kwakanaka, ndapedza rwendo rwangu, ndakachengeta kutenda;
8kubva zvino ndakachengeterwa, korona yokururama, yandichapiwa naShe, Mutongi wakarurama, nezuva irero; ndisini ndoga, asi navose vanoda kuvonekwa kwake.
9Shingaira kuti ukurumidze kuvuya kwandiri.
10Nokuti Dhemasi wakandisiya, akada nyika yazvino. Akaenda Tesaronika; Kreske wakaenda Garatia, naTito wakaenda Dharmatia.
11Ruka oga uneni. Tora Mako uvuye naye nokuti unondibatsira kwazvo pabasa.
12Asi Tikiko ndakamutuma Efeso.
13Nguvo yandakasiya paTroa kunaKarpo, uvuye nayo pakuvuya kwako, nebhuku, zvikuru magwaro amatebwe.
14Areksandro, mupfuri wendarira, wakandiitira zvakaipa zvizhinji; Ishe uchamutsiva paakaita napo;
15newe vo umuchenjere, nokuti wakadzivisa zvikuru mashoko edu.
16Pakuzvidavirira kwangu kwokutanga kwakanga kusino munhu wakandibatsira, asi vose vakandisiya. Ngavarege kuravirwa izvozvi.
17Asi Ishe wakamira neni, akandisimbisa, kuti ndipedzise kwazvo kuparidza kwangu, vahedheni vose vanzwe; ndikarwirwa pamuromo weshumba.
18Ishe uchandirwira pamabasa ose akaipa, uchandiponesa ndipinde vushe bwake bwokudenga; kubwinya ngakuve kwaari nokusingaperi-peri. Ameni.
19Ndikwazisirei Priska naAkwira, neimba yaOnesiforo.
20Erasto wakasara paKorinte, asi Trofimo ndakamusiya paMireto achirwara.
21Shingaira kuvuya, chando chisati chasvika. Yuburo, naPude, naRina, naKraudia nehama dzose vanokukwazisa.
22Ishe Jesu Kristu ngaave nomweya wako. Nyasha ngadzive nemi. Ameni.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.