Tito 1
Titus 1 · 16 verses
1Pauro, muranda waMwari, nomuapostora waJesu Kristu, nokuda kwokutenda kwavakasanangurwa vaMwari, nokwokuzivisa zvokwadi iri pakunamata Mwari,
2patariro yovupenyu bwusingaperi, bwaakapikira iye Mwari, usingatongorevi nhema, nguva dzisingaperi dzisati dzavapo,
3asi panguva dzakafanira wakazivisa shoko rake nokuparidza kwandakapiwa nomurairo waMwari, Muponesi wedu;
4kunaTito, mwana wangu chaiye pakutenda kwedu tose: Nyasha netsitsi norugare, zvinobva kunaMwari Baba, naIshe Jesu Kristu, Muponesi wedu, ngazvive newe.
5Ndakakusiya paKrete nemhaka iyi, kuti upedzise kugadzira izvo zvakanga zvasara, nokugadza vakuru mumaguta ose, sezvandakakuraira;
6kana kunomunhu usina chaangapomerwa, murume womukadzi mumwe chete, unavana vakatendeka, vasingapiwi mhosva yokuti havazvidzori, kana kuti havatereri.
7Nokuti mutariri unofanira kuva munhu usina chaangapomerwa, somuchengeti weimba yaMwari; asingaiti kuda kwake, asingakurumidzi kutsamwa, asingadi waini, asingarwi, asingakariri fuma yakaipa;
8asi unoitira vaeni rudo, unoda zvakanaka, wakachenjera, wakarurama, mutsvene, unozvidzora;
9unobatisisa shoko razvokwadi, sezvarinodzidziswa, kuti agone kuraira nedzidziso yakarurama, nokukunda vanokakavara.
10Nokuti vazhinji varipo vasingatereri, vanotaura zvisinamaturo, vanonyengera, zvikuru avo vokudzingiswa,
11vanofanira kudzivirirwa miromo yavo; vanoparadza mhuri kwazvo, zvavanodzidzisa zvisakafanira nokuda kwefuma yakaipa.
12Mumwe wavo, muporofita wokwavo, wakati: VaKrete vanogara vachireva nhema, zvikara zvakaipa, navanokara vanovusimbe.
13Kupupura uku ndokwazvokwadi. Nemhaka iyi uvarange zvikuru, kuti varurame pakutenda.
14varege kuterera ngano dzavaJudha, nemirairo yavanhu vanofuratira zvokwadi.
15Kuna vakachena zvose zvakachena; asi kuna vakasvibiswa, vasingatendi, hakunechinhu chakachena, asi kufunga kwavo nehana yavo zvakasvibiswa.
16Vanoti, tinoziva Mwari, asi vanomuramba namabasa avo, zvavari vanhu vanonyangadza, vasingatereri, vasakafanira pamabasa ose akanaka.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.