Bhaibheri

2 VaKorinde 2

2 Corinthians 2 · 17 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Asi ndakati mumoyo mangu, kuti handidi kuvuya zve kwamuri nokuchema.

2Nokuti kana ndichikuchemedzai, ndianiko uchandifadza, kana asiri iye wakachemedzwa neni?

3Zvino ndakanyora chinhu ichi kuti kana ndasvika, ndirege kuchemedzwa naivo vaifanira kundifadza; ndichikutendai mose, kuti kufara kwangu ndokwenyu mose.

4Nokuti ndakunyorerai nemisodzi mizhinji pakutambudzika kukuru nenhamo yomoyo; ndisingati muchemedzwe, asi kuti muzive rudo rukuru rwandinokudai narwo.

5Zvino kana mumwe akachemedza hake, haana kundichemedza ini, asi ndingati zvimwe ndirege kunyanyisaimi mose.

6Kurova uku kwavanhu vazhinji kunoringana munhu wakadai.

7Naizvozvo zvirinani kuti mumukanganwire nokumunyaradza, kuti arege kuvodzwa moyo kwazvo neshungu huru.

8Naizvozvo ndinokumbira zvikuru kwamuri kuti musimbise rudo rwenyu kwaari.

9Nokuti ndakanyora vo izvi, kuti ndikuidzei, ndizive kana muchiteerera pazvinhu zvose.

10Zvino iye wamunokanganwira, neni ndinomukanganwira vo; nokuti izvo zvandakanganwira ini, kana ndinenge ndakakanganwira chinhu, ndakazviita nokuda kwenyu pamberi paKristu;

11kuti tirege kunyengerwa naSatani; nokuti hatizi vasingazivi mano ake.

12Zvino, ndakati ndichisvika paTroasi kuparidza Evhangeri yaKristu, ndichizarurirwa mukova munaKristu,

13ndakanga ndisinezororo pamweya wangu, nokuti handina kuwanapo Tito, hama yangu; asi ndakawonekana navo, ndikaenda Makedhonia.

14Asi Mwari ngaavongwe, unotikundisa nguva dzose munaKristu, unoratidza nesu kwose-kwose bwema bwokuziva kwake.

15Nokuti isu tiri bwema bwakanaka bwaKristu kunaMwari, pakati paivo vanoponeswa navanoparara.

16Kunavamwe tiri bwema bworufu bwunoisa kurufu; kuna vamwe bwema bwovupenyu bwunoisa kuvupenyu. Zvino ndianiko ungakwanisa zvinhu zvakadai?

17Nokuti hatifanani navamwe vazhinji vanokanganisa shoko raMwari; asi tinotaura munaKristu nezvokwadi, sezvinobva kunaMwari, pamberi paMwari.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.