2 VaKorinde 10
2 Corinthians 10 · 18 verses
1Zvino ini Pauro ndinokumbira zvikuru kwamuri novunyoro netsitsi dzaKristu ini muduku kana ndiri pakati penyu, asi ndinotsunga kwamuri kana ndisipo
2Ndinokumbira kwamuri, kuti kana ndavapo, ndirege kuzotsunga, nokutenda kwandinoti zvino ndichatsunga nako kuna vamwe vanoti tinofamba nenzira yenyama.
3Nokuti, kunyangwe tichifamba nenzira yenyama, hatirwi nemitovo yenyama;
4nokuti nhumbi dzedu dzokurwa nadzo hadzizi dzenyama, asi dzine simba pamberi paMwari rokuputsa nhare;
5isu tinowisira pasi mifungo yose isina maturo, nezvose zvino zvikwiridza zvichipesana neruzivo rwaMwari.
6takazvigadzira kuranga kusaterera kwose, kana kuterera kwenyu kwazadziswa.
7Imi munotarira zvinhu zviri pamberi penyu. Kana munhu achivimba nazvo achiti ndiri waKristu ngaarangarire zve chinhu ichi mumoyo make, kuti sezvaari waKristu iye, saizvozvo nesuvo tiri vaKristu..
8Nokuti kunyange ndainyanya kuzvirumbidza pamusoro pesimba redu ratakapiwa naShe kukusimbisai, risati riri rokukuputsai, handinganyadziswi;
9kuti ndirege kuita sendinokutyisai nenwadhi dzangu.
10Nokuti vanoti, nwadhi dzake dzina mashoko makuru, dzinesimba, asi muviri wake kana aripo, unovutera nokutaura kwake kunozvidzwa.
11Munhu wakadaro ngaarangarire chinhu ichi kuti sezvatinoreva pamwadhi kana tisipo ndizvo zvatakaitavo pakuita kwedu kana tiripo.
12Nokuti tinotya kuzvienzanisa nokuzvifananidza navamwe vanozvikudza; asi ivo havanenjere, zvavanozvienzanisa naivo vamene, nokuzvifananidza naivo vamene.
13Zvino isu hatingazvirumbidzi tichipfuvura chipimo, asi nechipimo chinosvika pachipimo chatakagoverwa naMwari, kuti chive chiyero, chisvikire vo kwamuri.
14Nokuti hatinyanyi kuzvitambanudza, sezvatisingasvikiri kwamuri; nokuti tisu takatanga kusvikira kwamuri neEvhangeri yaKristu;
15hatizvirumbidzi tichipfuvura chipimo pamusoro pebasa ravamwe; asi tinetariro kuti, kana kutenda kwenyu kuchikura, isu tichakuriswa pakati penyu kusvikira pachipimo chedu nokupfuvurisa;
16tigoparidza Evhangeri panyika dziri mberi kwenyu, tirege kuzvirumbidza pachipimo chomumwe pamusoro pezvatoitwa hazvo.
17Asi unozvirumbidza, ngaazvirumbidze munaShe.
18Nokuti wakatendeka haazi iye unozvirumbidza, asi ndiye unorumbidzwa naShe.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.